Accessibility links

Breaking News

Glen View High 2 Inogona Kutadza Kuvhurwa neKuda kweSiweji


Sewer water flowing at Glen View 2 High School in Harare
Sewer water flowing at Glen View 2 High School in Harare

Vabereki vane vana vanodzidza pachikoro cheGlen View 2 High muHarare vari kudya gaka neminzwa yaro, vachipomera kanzuru yeguta iri, mhosva yekutadza kugadzirisa dambudziko remasuweji ari kuyerera pakati pechikoro ichi, kwasara mavhiki maviri chete kuti zvikoro zvivhurwe.


Masuweji epachikoro ichi, ayo ari kuyerera kunge rwizi, anonzi akaputika gore rapera muna Zvita, apo kotoro yetatu yekudzidza yainge yopetwa.
Muzvare Shellie Mukono, mugari wemuGlen View, uye vane mwana ari kunotanga kudzidza pachikoro ichi vanoti havafadzwi nemamiriro esuweji iri kufashaira pakati pechikoro ichi.

Muzvare Mukono vati, “Mwana wangu ari kuzoita fomu 1 pano, asi munoti anouya sei kana zvinhu zvakadai?" Vaenderera ,beri vachiti, "Chikoro ndinonzwa kuti chiri kuedza chose kuti nyaya iyi igadzirisike, asi kanzuru ndiyo inenge isiri kuita basa rayo nemazvo. Vana havangauyi pachikoro chakadai, hazvigoni.”

Mumwe mugari wemuGlen View, Muzvare Chipo Chimwozhoro vanochema nekuti kana dambudziko resuweji iri rikasagadziriswa, vana vachabatira zvirwere zvakafanana nemanyoka ekorera. Vati, “Semaonero amuri kuita, kana mwana akauya kuchikoro pakadai, otsika tsvina iyi, odzokera nayo kumba, zvinoreva kuti kana isu vari kumba tinogona kunge tatotapurirwa zvirwere."

Vatizve, " Vana munongovaziva kuti vanoda zvekutamba, saka izvi zvakadai hazvitenderwi zvachose tinokumbirawo kuti nyaya iyi igadziriswe nekuchimbidza nekuti tingaparare nezvirwere.”


Nhengo yesangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Trust, Muzvare Joyline Kachuru, vanoti kanzuru iri kukundikana kuita basa. Muzvare Kachuru vati, “Kanzuru inoita sekuti haina basa nehupenyu hwevanhu vemuGlen View. Zvakawanda zvavanoswera vachishandisa mari pazviri, asi kana tauya pahupenyu hwevanhu, vanoita chinono."

Vatiwo, "Izvozvi chikoro chino chakavabatsira kutenga zvimwe zvikwanisiro zvaidiwa kuti masuweji aya agadzirwe, asi vanongononoka. " Vaenderera mberi vachiti, "Zvichida gurukota rezvekutongwa kwematunhu rava kufanira kupindirawo kuitira kuti dambudziko iri rigadziriswe.”

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaStanley Gama vatenda kuStudio 7 kuti vari mushishi kugadzirisa dambudziko iri.

“Ndinoda kuudza vagari vemuGlen View kuti vashandi vedu vari kuriziva dambudziko iri, uye vari mubishi kurigadzirisa." VaGama vaudza Studio 7. Vatiwo, "Handioni tichizosvika pauvhurwa kwezvikoro tisati takunda.”

Studio 7 yaedzawo kunzwa divi rebazi rinoona nezvedzidzo yepasi, asi vakafanobata chigaro chemutauriri webazi iri, VaPatrick Zumbo, vati havakwanise kutaura nezvemasiweji sezvo riri basa rekanzuru.

Kanzura wemunzvimbo yeWard 30 muGlen View, munova mune chikoro cheGlen View 2 High ichi, VaCharles Chidagu, vaudza Studio 7 kuti kunyange dambudziko resuweji iri riri kugadziriswa pachikoro apa, havangavimbisi kuti harizodzoki zvekare muchinguva chipfupi chinotevera.

VaChigadu vati, “Sekuona kwamuri kuita, pari kutoitwa basa rekuti tigadzirise dambudziko iri. Asiwo, zvekuti ndingataura kana ragadziriswa zvachose, ndinganyebera vanhu." Vatiwo, "Asi ndinoda kuvimba kuti zviri kuitwa zvichaita kuti suweji iyi imbomira kuyerera mukati mechikoro muno, uyezve nemudzimba dzakakomberedza chikoro chino.”

Studio 7 yatenderera pachikoro ichi ikaona masuweji achiyerera mamwe achinopinda mudzimba dzekudzidzira.

Asi dambudziko iri harisi kuitika pachikoro apa chete, asi nemunharaunda yakakomberedza chikoro cheGlen View 2 High.

Gogo Loveness Chatambudza, mugari wemuGlen View, vanochemawo nekuti masuweji aya aita kuti hukama hwevavakidzani vemunzvimbo iyi, huve hwakaipa chose.

VaChatambudza vaudza Studio 7 kuti, “Vane dzimba dziri kuzasi kwedu ndivo vari kunetsa nekuti vanenge vachiti suweji haina kuputika padzimba dzavo, naizvozvo havadi kuti idarike nemudzimba dzavo."

Vatiwo, "Izvi zvinoita kuti irambe yakajenga kuno kumusoro kwatiri, sezvo vachiivharira kuti isadzike. Kune vakatomborovana nekuda kwenyaya iyoyi. Isu kugeza nekushandisa chimbuzi, tava kutonokumbira kune dzimwe dzimba.”

Nekuda kwehutsvina hunounzwa nemasuweji aya, pari kufungidzirwa kuti murume akashaya nezuro muGlen View umu, mushure mekuita manyoka, anogona kunge akauraiwa nekorera. Asi kanzuru yanga isati yataura zviri pamutemo kuti ndizvo here kana kwete.

Mumakore adarika, nzvimbo yeGlen View ndiyo yaiwanzotanga kutekeshera zvirwere zvemanyoka, nekuda kwekushaya hutsanana hwakanaka, zvichikonzerwawo nenhau yemasuweji iyi- ayo anogara achiputika nekuda kwekuti mapombi anofambisa tsvina iyi, asakara sezvo ave nemakore aiswa ukuwo huwanndu hwevanhu huchiwedzera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG