Mumwe mwana ane makore masere (8) Tinotenda Pudu akapedza mazuva mashanu ari musango reMatusadonha Game Park kwaKasvisva, Nyaminyami kuKariba, Mashonaland West mushure mekurasika. Sango iri rine mhuka dzesango dzinorura dzakaita seshumba, mapere nedzimwe.
Mumiriri wenzvimbo iyi mudare reparamende Muzvare Mutsa Murombedzi vebato reCitizens Coalition for Change vaudza Studio 7 kuti mwana uyu akapona nekudya michero yemusango uye kuchera mufuku kuti awane mvura yekunwa.
Vatiwo, “Akaponawo nekuti akawana nzvimbo yekurara pamusoro pedombo apo aiona mhuka dzakaita senzou neshumba dzichidarika husiku.” Tinotenda anonzi akazowanikwa afamba kwemakiromita makumi maviri nematatu nevanochengeta mhuka.
Anonziwo akabva aendeswa kuchipatara sezvo ange aperezeka nekushaya zvekudya zvinovaka muviri. Vanhu vemunharaunda vanonzi vairidza ngoma husiku kuyedza kuti akwanise kudzoka kumusha asi zvakakona n’anga murapwa achida.
Forum