Dare ramajisitiri muHarare nhasi ratanga kunzwa chikumbiro chasachigaro wesangano reSouthern African Lawyers for Human Rights, VaTalent Rusere, chekuti vatongwe vachibva kumba pamhosva dzavari kupomerwa dzekutyora mutemo wekupinda nekubuda kwevanhu munyika weImmigration Act pamwe nekururudzira mhirizhonga nekusagadzikana munyika yeMozambique nedunhu rese reSADC zvichitevera sarudzo dzakaitwa kuMozambique muna Gumiguru. Rusere ari kuti paakasungwa akaitwa kafiramberi.
Nyaya yatanga mutikitivha ari kuferefeta nyaya iyi, Detective Sergeant Edmore Chimera vachiudza dare kuti vanopikisa chikumbiro chaVaRusere.
Vatiwo vacharatidza humbowo hwekuti VaRusere vainge vasina magwaro ekufambisa akakwana apo vakusungwa kuPlumtree musi wa23 Zvita mushure mekudzingwa kunyika yeBotswana uko vainge vaenda kunotsvaga hupoteri.
VaChimera vati vane humbowo hwemaWhatsApp Audio nemavhidhiyo aVaRusere vachikurudzira vanhu vekuMozambique neSADC kuti vasatambire kukunda kwebato reFrelimo musarudzo dzakaitwa muna Gumiguru.
VaRusere vanonzi vaitenderedzawo mavhidhiyo vachiti vanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi maviri nezvitanhatu vemuZimbabwe vakavhota musarudzo dzekuMozambique izvo zvinonzi zvakatsamwisa nekukonzera mhirizhonga kuMozambique.
Nyaya yaVaRusere yatadza kusvika kumagumo sezvo mutongi VaIsheanesu Matova, vati vabatikana neimwe nyaya nekudaro vati ichaenderera mberi nemusi weMuvhuro unouya.
Tabvunza gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaKudzayi Kadzere, kuti pane kumakana here wekuti VaRusere vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso. Vap1indura vachiti, “Vanhu vanofanira kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kunze kwekuti paita zvikonzero zvinoita kuti dare risape mukana uyu." Vatizve, "Bumbiro redu rinoti ikodzero yemusungwa wese kuti apihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.”
Vanoona nekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendei Ruben Mbofana vaudza Studio 7 kuti havaoni sekuti VaRusere ndivo vakakonzeresa mhirizhonga yekuMozambique vachiti zviri pachena kuti vanhu venyika iyi havana kufara nemafambisirwo nezvakabuda musarudzo idzi. VaMbofana vati, “Dai kuri kuti zvaakataura zvakakonzeresa mhirizhonga muno muZimbabwe taimboti ngatimbonzwai, asi mhirizhonga iyi iri kuitika kuMozambique."
Vatizve, "Vanhu vangatoti vanoda kuona Talent Rusere vanofanira kunge iri hurumende yekuMozambique kwete hurumende yemuZimbabwe. Asi isu chatinoziva ndechekuti hurumende yekuMozambique haina kumbobvira yataura nezvaTalent Rusere, zvikada havana kutombonzwa nezvake. Hurumende yekuMozambique iri kutoziva kuti mhirizhonha iri kutoitika ikoko kuMozambique.”
Sangano remubatanidzwa wenyika dzekumawirira reEuropean Union rakatiwo sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka.
Mutungamiri webato rinopikisa reOptimist Party for the Development of Mozambique kana kuti (Podemos) VaVenancio Mondlane vari kurambawo kutambira zvakabuda musarudzo idzi.
Asi dare repamusoro renyika iyi rakati bato reFrelimo rakakunda. VaRusere havana gweta uye vari kuzvimirira pachavo. Kusvika parizvino vanhu vanodarika mazana maviri vafa kuMozambique vachiratidzira kusafara kwavo nemabatirwo esarudzo.
Bepanhau reMasvingo Mirror rakaburitsawo vhidhiyo revamwe vanhu vaizviti vatsigiri veZanu-PF vaiti vainge vavhota musarudzo dzekuMozambique. Asi hurumende inoti izvi ndezvemugotsi matsuro.
VaRusere vaishandisa vhidhiyo iri sehumbowo hwekuti sarudzo dzainge dzisina kufambiswa zvakanaka muhurukuro dzavakaita nenhepfenyuro dzakaita seSABC News.
SADC iri kukurudzira mapato ese muMozambique kuti asiyine nemhirizhonga uye kuti ataurirane kuti nyika iyi ifambire mberi.
Mutungamiriri wenyika yeSouth Africa, VaCyril Ramaposa vakatotuma nhume dzavo kuMozambique kuyedza kumisa mhirizhonga.
Forum