Accessibility links

Breaking News

Vanotsigira Mitambo muNyika Votarisira Mufaro Mukuru muGore ra2025


Chikwata cheZimbabwe Warriors chakabudirira kuenda kufainari yeAFCON 2025.
Chikwata cheZimbabwe Warriors chakabudirira kuenda kufainari yeAFCON 2025.

Vakawanda vanoti gore ra2025 igore riri kuratidza kuti richange riine mufaro wakawandisa kuvatambi pamwe nekuvatsigiri vemitambo.

Gore rino riri kusimuka zvakasimba mumitambo musi wa 25 Ndira nesarudzo yevachatungamirira nhabvu munyika pasi peZIFA.

Sarudzo iyi yasara nevanhu vatanhatu vari kurwira hutungamiri hwesangano iri vanoti VaMarshall Gore, VaTwine Phiri, VaQuobile Magwizi, VaPhilemon Machana, VaMartin Kweza, naMakwinji Soma-Phiri.

Izvi zvinotevera kumiswa kwaVaWalter Magaya, VaThemba Mliswa, VaFarai Jere naBenjani Mwaruwaru nekomiti yeZifa Ethics and Integrity vachinzi havakodzere kukwikwidza.

Asi Mwaruwari ari kupikisa danho iri mudare remitambo repasi rese reCourt of Arbitration for Sport achida kuti kumiswa kwake kusendekwe parutivi.

Musi mumwechetewo, kuchasarudzwa vatevedzeri vemutungamiri weZifa vaviri, mumwe wacho achifanira kuve ari munhukadzi.

Pamusoro pezvo, kuchasarudzwa zvekare nenhengo nhanhatu dzebhodhi reZifa iyi.

ZIFA Chief Executive Officer, Muzvare Yvonne Manwa.
ZIFA Chief Executive Officer, Muzvare Yvonne Manwa.

Munyori mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaJoseph Mutawu, vanoti vari kusarudza vanofanira kuita basa nemazvo kwete kutungamidza mari.

"Hapachada vanhu vanotarisa homwe dzavo. Zvioko muhomwe mukusarudzana mukutungamira bhora ngazvive zvichipedzwa," anoyambira Mutawu.

Vachasarudzwa vacho vachange vari panyanga apo chikwata che Zimbabwe Warriors chichaenda kumafainari eAfcon 2025 ayo ari kuitirwa kuMorocco kutanga muna Zvita.

Zimbabwe ichaziva kuti yaiswa mugungano rimwechete nezvikwata zvipi musi wa 27 Ndira apo pari kuitwa mubatanidzaa wezvikwata nesangano reCAF.

Aimbotambira Caps United, George Mudiwa, ane chishuwiro chekuti Zimbabwe iiswe mugungano riri nani pane ayanga ichiiswa makore apfuura.

"Timu yedu irikutamba zvakana. Tinovimba kuti kuAfcon tikaiswa mugungano riri naniwo tinoenderera mberi. Semaonero angu tinosvika kuma semi fainari chaiko," anodaro Mudiwa.

Zimbabwe ndiyo imwe yezvikwata makumi maviri nezvina zvichange zviri kumakundano emuAfrica aya ayo arikutanga musi wa21 Zvita 2025, kusvika musi wa18 Ndira 2026.

Castle Lager PSL
Castle Lager PSL

Semakore ese, makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kutarisirwa kuve akabaka moto aine zvikwata zvitsva Kwekwe United, Zesa Hwange, Triangle, neScottland.

Asi nyaya yeScottland ndiyo iri kutaurwa nezvayo kwese kwese nekuunganidza kwayaita vatambi vane mukurumbira.

Mutsigiri wemutambo wenhabvu, VaKelvin Mushonga, vanoti vachitarisa zvanga zvichiitika pamusika wevatambi makundano emwaka uno achanakidza zvikuru.

"Ndirikuona kunge kuchange kune makwikwi paligi yegore rino. Asi ndirikuona kunge Dynamos inotora mukombe this time," anofungidzira Mushonga.

Zvikwata zviviri zviri zvemuPSL, Dynamos neSimba Bhora, zvichange zvakamirira nyika mumakwikwi emuAfrica.

Dynamos iri kutamba muCaf Confederation Cup, Simba Bhora ichitamba muCaf Champions League.

Ukuwo chikwata chenyika chemutambo werugby, Sables, chichange chakananga kuUganda muna Nyamavhuvhu chichidzivirira mukombe wacho weAfrica Cup.

Zimbabwe inofanira kurova Namibia kumakwikwi aya kuitira kuti isimbise nzira yayo yekuenda ku 2027 World Cup.

Namibia ndiyo yakatora chinzvimbo chekumirira Africa kuWorld Cup kubvira muna 2001.

Kaputeni weZimbabwe Sables, Hilton Mudariki, anoti ari kutarisira kunokunda zvekare kuUganda uko Zimbabwe yakarova Algeria mufainari muna 2024.

"Ndoramba ndichikumbira vatsigiri vedu vari muZimbabwe nekunze kwenyika kuti varambe vachititsigira,"anokumbira Mudariki.

Chimwe chikwata chenyika chemutambo wetenesi chichange chichikwikwidza mumitambo yeDavis Cup yeWorld Group 2 Qualifiers.

Vatevedzani, Benjamin naCourtney Lock ndivo vachange vachitungamira chikwata ichi.

Makore apfuura chikwata chimwe chetecho chaitungamirwa naByron naWayne Black.

Zimbabwe Cricket.
Zimbabwe Cricket.

Chikwata chekiriketi, Chevrons, muna Chikumi chakananga kuEngland kumitambo mitatu yezuva rimwe pamwe nemiviri chiine chinangwa chekuunganidza mapoinzi ekuenda kuWorld Cup.

Chikwata che Chevrons chiri kubva mukurohwa neAfghanistan mumitambo yezuva rimwe ayo ane mapoinzi ekuenda kuWorld Cup.

Mutambi wekarati, Wilfred Mashaya, anoti ari kitarisira kutora zvekare bhande rake reKobudo World Weapons Champion apo makundano epasi rese aya ari kuenda kuUnited Kingdom kubva kuGermany.

Vakawanda vanotsigira mitambo yakasiyana siyana vanoti zvikwata zviri kumirira nyika mumitambo yakasiyana siyana zvinofanirwa kusimudza zvine mutsindo mureza wenyika mumakwikwi azvinenge zviri.

Forum

XS
SM
MD
LG