Sangano reSADC rave kuyedza kushandisa mauto ukuwo richienderera mberi nekuyedza kukurudzira nhaurirano nechinangwa chekugadzirisa dambudziko rekusagadzikana muMozambique iro rokakanganisa zvakanyanya nyaya dzekutengeserana.
Kusagadzikana muMozambique kwakatanga gore rapera mushure mesarudzo dziri kunzi nevanopikisa dzakabirirwa zvemhando yepamusoro nebato riri kutonga reFrelimo.
Frelimo iri kuti iri kuzorwa mafuta enguruve yaisina kudya. SADC Troika yakaita musangano padandemutande nemusi weSvondo ikati komiti inoona nezvekudzivirirwa nekuhengetedzwa kwedunhu kana kuti security committee ione kuti pangatorwe matanho api kuti nzira dzekutengeserana dzakaita seBeira Corridor dzichengetedzwe.
Asi vari mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muZimbabwe inova sachigaro weSADC vasina kuda kudomwa nezita vati zvekutumira mauto eMozambique zviri kunyika yeMozambique sezvo yakazvimirira.
Vatenda kuti parizvino iri kutatarika kuchengetedza nzira dzekutengeserana.
Troika yakawiriranwa kuti vari musangano ravanasorojena kana kuti Panel of Elders vaende kuMozambique kunoyedza kupodza hondo.
Dare iri rakaumbwa muna 2004 uye nhengo dzaro dzinosanganisira vaive vatungamiri venyika nevamwe vanyarikani.
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Frenl Guni vaudzaStudio 7 kuti SADC inofanira kutaura nezwi rimwe chete kuti igadzirise dambudziko reMozambique.
Forum