Accessibility links

Breaking News

Danho reHurumende reKusunga Vari Kupinza Zvinhu muNyika Vasiri kuBhadhara Mitero Rotambirwa Zvakasiyana neVeruzhinji


Muganhu weZimbabwe neSouth weBeitbridge.
Muganhu weZimbabwe neSouth weBeitbridge.

Danho riri kutorwa nehurumende rekutora zvinhu zvinenge zvapinzwa munyika zviri kunze kwemutemo pamwe nekubhadharisa vanenge vapara mhosva mari dziri pamusoro rinonzi nevamwe rakanaka sezvo rakanangana nekumisa kutyorwa kwemutemo uku pamwe nekuchengetedza makambani emunyika ari kubhadhara mitero.

Asi vamwe vari kuri shoropodza vachiti rave kutadzisa vakawanda kuwana zvinhu nemitengo iri pasi uye vachipomera hurumende mhosva yekukonzera dambudziko iri sezvo mitero yainochaja yekupinza zvinhu munyika ichinzi iri pamusoro zvakanyanya.

Hurumende iri kupomera vemabhizimusi madiki neari pakati nepakati kana kuti SMEs pamwe nevanozviitira mabasa emaoko mhosva yekupinza zvinhu munyika vasiri kubhadhara mitero, izvo zvainoti zviri kuuraya vezvitoro vanobhadhara mitero.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vemabhizimusi madiki neari pakati nepakati, reSMEs International Expo, VaDelight Makotose, vanoti vanotambira danho rehurumende iri, asi vachikurudzira kuti igadziriswe nyaya yemitero yavanoti iri pamusoro.

Mukuru werimwe sangano revanotengesera mumigwagwa, reVendors’ Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, VaSamuel Wadzayi, vanotiwo danho rehurumende iri riri kukanganisa nhengo dzavo.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, vanoti iri idanho rakanaka chaizvo ravanototi dai rakaitwa nguva yapfuura iyo nyika isati yasvika payave nhasi.

VaGwanyanya vanoti kune vanhu vakawanda vari kupinza zvinhu zvisiri pamutemo zvavanoti ndizvo zvakonzeresa rimwe remambudziko ari kukanganisa hupfumi hwenyika nhasi.

Vanoti hurumende inofanirwa kutora matanho akakodzera ekugadzirisa nyaya yevanozviitira mabasa emaoko, vachiti hakuna nyika inofamba zvakanaka, zvakarurama ine vanhu vanozviitira mabasa emaoko kana kuti informal sector chete sezvo vazhinji vavo vasingabhadhare mitero kuhurumende.

Kubva pakati paZvita wegore rapera, hurumende yakaparura chirongwa chekutora zvinhu zvakaita sezvinoshandiswa nevanhu zuva nezuva pamwe nembatya dzakambopfekwa zvinonzi zviri kupinzwa munyika zviri kunze kwemutemo senziora yekuparadza nayo dambudziko iri.

Chirongwa chehurumende ichi chinonzi chiri kuenderera mberi uye chiri kutungamirwa nebazi rezvemaindasitiri nekutengesera richishanda neZimbabwe Revenue Authority, mapurisa eZimbabwe Republic Police, Reserve Bank of Zimbabwe, Consumer Protection Commission pamwe nemamwe mapoka ezvemitemo akasiyanasiyana.

Zimbabwe inofungidzirwa kuti iri kurasikirwa nemari inosvika bhiriyoni imwechete yemadhora ekuAmerica kana kuti US$1 billion pagore nekuda kwekupinzwa kwezvinhu zvisiri kubhadharirwa mitero.

Asi vamwe vanoongorora zvehupfumi munyika vanoti havaoni hurumende ichibudirira kumisa hondo yekupinzwa kwezvinhu munyika zvisingabhadhare mitero iyi kana isati yakwanisa kumisa huwori hwavanoti ndihwo huri kuita kuti zvinhu zvirambe zvichikwanisa kupinzwa munyika zvisina kubhahdarirwa mitero kana kuti import duty.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG