Accessibility links

Breaking News

ZESN yoShoropodza Hurongwa hweKuti Bumbiro reMitemo Rivandudzwe Kuti Mutungamiri weNyika Arambe Ari paNyanga


ZESN inoti kusendeka sarudzo dza2028 kutyora bumbiro remitemo.
ZESN inoti kusendeka sarudzo dza2028 kutyora bumbiro remitemo.

Sangano rinoongorora sarudzo munyika, reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti riri kushushikana zvakanyanya nekurudziro yekuti sarudzo dzinofanirwa kuitwa muna 2028 dziendeswe mberi kuna 2030 kuitira kupa mukana kumutungamiri wenyika vari mutungamiri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa kuti vapedze zvirongwa zvanonzi vakatanga.

Sachigaro veZESN, VaAndrew Makoni, vanoti zviri kuda kuitwa zvekuvandudza bumbiro remitemo yenyika kuitira kuti rifadze munhu mumwechete, kusaremekedza remangwana renyika.

"Chatinonyanya kunyunyuta nacho ndechekuti bumbiro remitemo rakagadzirirwa nyika kwete munhu. Saka kana vanomirira vanhu muparamende vaakuda kuchinja Constitution yakangonangana nemutungamiri wenyika chinhu chinokanganisa zvikuru hudzamu kana kumira kwakaita Constitution yedu. Constitution yedu yanga iri Constitution yakanaka chaizvo yakabva muvanhu yekuti tinofanira kunge tichidzoka muvanhu kana pane zvatinenge tichida kuti tiite zvinokwanisa kuti zvichinjwe," VaMakoni vanodaro.

Nemusi weSvondo dzimwe nhengo dzeparamende dzechikwata chebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change chinotungamirwa naVaSengezo Tshabangu dzakabatana nenhengo dzeparamende dzeZanu PF, dzakashanyira purazi raVaMnangagwa rePrecabe riri kuKwekwe kunoona kurima kunonzi kuri kuitwa nemutungamiri wenyika.

Asi chiitiko ichi chave kuonekwa nevamwe sekutambira kurudziro iri kuitwa nevamwe mubato reZanu PF yekuti sarudzo dza2028 dziendeswe mberi kuna 2030 kuitira kuti VaMnangagwa vapedze zvirongwa zvavakatanga.

Rwendo urwu rwuri kushoropodzwa nevanhu vakawanda vanosanganisira rimwe bato rinopikisa, reMDC rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, iro riri kuti zviri pachena kuti nhengo dzeCCC dzeparamende neSeneti dzakaenda kupurazi raVaMnangagwa dzakatsigira kurudziro yekuti vatonge kusvika madhongi amera nyanga.

Nhengo dzeparamende neSeneti dzisina kuenda kupurazi raVaMnangagwa dzinonzi dziri pasi pezvimwe zvikwata zveCCC zvinotungamirwa naVaJameson Timba naVaWelshman Ncube izvo zvinonzi hazvisi kutsigira hurongwa hwe 2030 Agenda uhu.

Nhengo dzeparamende dzeCCC dzinoda kusvika kumakumi maviri kubva kunhengo zana nemakumi maviri dzeparamende neSeneti dzinonzi ndidzo dzakashanyira purazi raVaMnangagwa neSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG