Accessibility links

Breaking News

Potyirwa Kuti PaMitumbi Makumi Manomwe (78) Yaburitswa kuStilfontein Pane Zvizvarwa zveZimbabwe


Mapurisa ekuSouth Africa anoti kusvika parizvino aburitsa mitumbi yevanhu makumi manomwe nemasere kana kuti 78 mumugodhi wekuStilfontein.

Vamwe makumi masere nevana 84 vabuditswa vari vapenyu.

Asi pari kutyirwa kuti pane zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda pane vakafa ava.
Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa VaDavid Hamadziripi vaudza Studio 7 kuti vari kuita tsvakiridzo yekuona kuti hapana zvizvara zveZimbabwe here zvakafira mumugodhi uyu.


Mukuru wezvemabasa musangano reSouthern African Liaison Office kana kuti SALO VaMunjodzi Mutandiri vaudza Studio 7 kuti vamwe vatungamiri venyika dzakatenderedza South Africa vanofanira kushorwawo sezvo vange vaine mwedzi yakawanda yekutaura nemutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa kuti vabatsira vainge vakavharirwa mumugodhi nemapurisa.


Mutauriri wemapurisa muSouth Afrca Amai Athlenda Mathe vakaudza Studio 7 kuti vainge vachirambidza vanhu ava kupihwa chikafu nemishonga senzira yekuvamanikidza kubuda mumugodhi uyu.

South Africa inoti inorasikirwa nemari inosvika bhiriyoni imwe chete US$1 billion nekuda kwevanochera goridhe zvisiri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG