Accessibility links

Breaking News

Mumwe weChidiki Obatsira Vamwe Pakirinika Yaakaparura


Ben Ncube, Chairperson of the Zimbabwe Exchange Alumni Association.
Ben Ncube, Chairperson of the Zimbabwe Exchange Alumni Association.

Wechidiki ane makore makumi matatu ekuberekwa, VaBen Jammaine Ncube, avo vane kirinika inobatsira vanhurume munyaya dzezvehutano, varumbidzwa neveruzhinji pamusoro pebasa ravari kuita. VaNcube mbune vanokurudzirawo vamwewo vechidiki kuti vaenderere mberi nekuita mabasa anosimudzira nharaunda dzavanogara.

VaNcube vakavamba kirinika yavo inonzi Men’s Health Clinic iyo iri muHarare, mugore ra2018, vaine makore makumi maviri nematatu.

Vanotsanangura rwendo rwavakafamba pakuvamba kirinika yevanhurume iyi. Vati, “Ini kuchikoro ndakadzidzira kuva gweta, nekuti ndichikura ndiro basa randaida kuzoita kana ndakura.”

Vaenderera mberi vachiti, “Asi pandakapedza, ndaingonzwa kuti pane chinhu chakashota sezvo ndaida kuita basa rinobatsira veruzhinji”

Vatizve, “Ndizvo zvakazoita kuti ndifunge hurongwa hwekirinika yevanhurume, mushure mekunge ndaona kuti varume nevakomana havafariri kunobatsirwa kuzvipatara kana vachirwara, nekuda kwezvikonzero zvakasiyanasiyana. Ndipo pakabva pfungwa yeMen's Health Clinic."

Vatiwo rwendo urwu rwaisava nyore. VaNcube vati, “Kazhinji apo vanhu vane miono yekuvamba mabhizimusi kana kuti mabasa anobatsira veruzhinji pachena, pavanoshaya zvikwanisiro kana ruzivo rwezvavanenge vachida kuita. Izvi ndizvo zvandakasanganawo nazvo”

Vatiwo, “Asi ndakazoita rombo rakanaka, ndikabatsirwa nemari yekutanga kirinika iyi nababa vangu. Hama neshamwari dzaive nyanzvi mune zvehutano dzakandibatsirawo zvekare."

Kirinika yaVaNcube iyi inobatsira varume vane zvinetso zvehutano, zvingava zviri zvepamiviri pavo kana kuti mupfungwa.

VaNcube vanoti donzvo huru yekirinika yavo nderekuwanisa vanhurume nzvimbo yakasununguka, isina rusarura, apo vanogona kukurukura nhunha dzavo vakasununguka.

Mumwe wechidiki anogara muHarare akambowana kubatsiro kuMen's Health Clinic, asi akumbira kushandisa zita remadunhurirwa rekuti John Gumbo, anoti zvichida dai akasvika kwamupfiganebwe, dai asina kuenda kukirinika yaVaNcube.

“Pakashaya vabereki vangu mutsaona yemotokari gore rapera, ndakava nekushungurudzika mupfungwa zvakanyanya, “ VaNcube vaudza Studio 7

Vatizve, “Ndini mukomana muhombe mumhuri, saka mutoro wekuchengeta vanin'ina vangu waive wakandiremera. Asi pandakanzwa nezvekirinika iyi, ndakafunga kuendako. Apa ndipo pandakanzwa kurerukirwa chose nekuti rubatsiro rwandakawana rwaive rwakakura chose. Chandakanyanya kufarira ndechekuti hutano hwangu hwepfungwa hwakakosheswa, zvinova zvisinganyanyi kuitwa muzvipatara zvakawanda munyika. Ndinoitenda Men’s Health Clinic."

VaThemba Nzounenda, mukuru wesangano rinoshanda naanababa nevakomana, reVarume Svinurai/Vukani Madoda, vanoti basa riri kuita VaNcube, rinoda kutsigirwa.

VaNzounhenda vati, “Nyaya dzehutano hwevarume haunyanyi kukosheswa muno, naizvozvo panofanira kugadziriswa ipapo. Zvinotoda kuti paiswe mari parutivi yakafanana neinopiwa zvirongwa zvemadzimai.’

Vaenderera mberi vachiti, “Zvekare, zvakakosha kuti hurongwa hwese hune chekuita nehutano hwevanhurume, kunyanya hwepfungwa, zvitsigirwe.” Vatiwo. “Izvi ndizvo zvakafanana nezviri kuitwa naVaNcube."

VaNcube, vanodzoka zvekare vachikurudzira vamwe vechidiki kuti vasaregedza kuita mabasa akanaka anovasimudzira ivo, pamwechete nenharaunda dzavanogara.

“Kana paine zvinhu zvaunoda kuita muhupenyu, usaneta kusvika wazviita.” Vaudza Studio 7. Vatizve, “Chakakosha ndechekutsvaga vanhu vane ruzivo pane zvaunoda kuita, pamwechete neavo vanogona kukuwanisa kukutsigira murwendo rwako. Sevechidiki, zvakawanda zvatingaita munzvimbo dzatinogara, ndiko saka ndiri kukurudzira vamwe vangu vechidiki. Ndinovimba kuti rwendo rwangu rwuchakurudzira vamwewo vechidiki kuita zviri pamoyo pavo zvingavasimudzirawo."

Kirinika yeMen's Health inonzi yabatsira mazana nemazana evarume nevakomana vaive nezvirwere zvakasiyanasiyana, kunyanya zvine chekuita nepfungwa.

VaNcube vaimbove mumwe wevechidiki vakapinda muchirongwa cheMandela Washington Fellowship for Young African Leaders, uye vakasarudzwawo kuti vave muchirongwa cheDuke Emerging Leaders Institute, icho chavari kutoita parizvino.

Forum

XS
SM
MD
LG