Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kugadzirisa Nyaya dzeHupfumi Kuti Vana Vari Kupedza Zvidzidzo Vakwanise Kuwana Mabasa


Vari kupedza zvidzidzo zvepamusorosoro vakawanda vanonzi vari kukundikana kuwana mabasa munyika.
Vari kupedza zvidzidzo zvepamusorosoro vakawanda vanonzi vari kukundikana kuwana mabasa munyika.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi, vamwe vashandi pamwe nevadzidzi vanoti vanowirirana netsvakiridzo yakaburitswa nesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, yekuti makambani emunyika ari kukundikana kuwanisa mabasa vana vanenge vapedza zvidzidzo zvavo muzvikoro zvepamusorosoro.

Vaimbove munyori mukuru wesangano revadzidzi vemuzvikoro zvepamusorosoro, reZimbabwe National Students Union, ZINASU, vachimirira Midlands State University kuchikoro chemuHarare, VaWayne Mubaiwa, vanoti ongororo netsvakurudzo yakaitwa neZNCC yakakosha zvikuru pachitariswa matambudziko ari kusangana nevana vanenge vapedza zvidzidzo zvavo zvepamusorosoro vari kushaya mabasa zvichikonzerwa nekuoma kwezvinhu munyaya dzehupfumi.

"Panguva ino yatiri tiri kuwanikwa tichiwana vadzidzi vari mumigwagwa vachitengesa madomasi, vari vatengesei ve air time, vari ma vendors, vari ivo vari kuita artsanal mining, vari ivo vari kuita any dirty job that you may think of. And also the higher crime rate in our country they are included there. Even they are succumbing to drug addiction and drug abuse."

Muzvinabhizimusi vari nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, VaCallisto Jokonya, vanoti ichokwadi kuti mikana yekuti vana vari kupedza zvidzidzo iri kutoramba ichiita mishoma munyika sezvo makambani ari kutoramba achigumura vashandi nekuda kwekudzikira kwezvigadzirwa.

"Icho ichokwadi. Hatina ma opportunities. Maindasitiri ari kuto retrencher vashandi vavo nokuti production yadzikira zvikuru kune akawanda. Izvo ndozviri kuitika. I think zviri kuitika across the country."

VaJokonya vanoti Zimbabwe iri kumhanya mberi kuda kuzvimisa nenyika dzine maindasitiri akasimuka kare asi iyo ichiri diki.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaKudakwashe Munengiwa, vanoti zvimwe zvichatowedzera dambudziko rekuti vapedza zvidzidzo vanoshaya mabasa inyaya yekuti hurumende yakatowedzera makore anofanirwa kugarwa nemushandi wehurumende pabasa asati aenda pamudyandigere.

Dambudziko regatsi nderimwe rinonzi riri kuwedzera kuvharwa kwemakambani.
Dambudziko regatsi nderimwe rinonzi riri kuwedzera kuvharwa kwemakambani.

"Zvazvinoreva ndezvekuti mukana wevechidiki vari kupedza fundo wekuwana basa muhurumende unenge wadzika kwazvo."

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reAfrica Center for Economic Justice, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere vanoti gwaro reZNCC iri rinoratidza dambudziko radzika midzi munyika zvichikonzerwa nekusagadziriswa kwehupfumi hwenyika pamwe nehuwori.

"Izvi zvinoda kuti avo vari kuronga hupfumi hwenyika vbatarise nzira dzavari kuita, kunyanya nyaya yekuti hupfumi hwenyika huri kubuda husina kuitwa iya yavanoti value addition. Izvi ndizvo zvinoita kuti mabasa awande. Asi pari zvino tinenge tichiona kuti zvinenge zvichingobuda riri dombo risati ragadzirwa kuti pabude something saka naizvozvo zvinoitawo kuti mabasa ashaikwe munyika."

Saka dambudziko iri ringagadziriswa sei? VaJokonya vanodzoka vachiti nekuda kwekusadyidzana zvakanaka nedzimwe nyika kana zvirango zvinonzi zvakatemerwa nyika, Zimbabwe ine dambudziko remichina yachemberesa zvekuti mizhinji iri kushandiswa mumakambani yakatanga kushandiswa munguva yehondo chaimo.

"Nekuti zvatinogadzira muno zvishoma zvino ekisipotwa other than kutengesa zvinhu zvakaita se raw material yema minerals. Ndozvizhinji zvatinotengesa saka zvinoda kunatsa kutarisa, ichokwadi. Zvakasatodaro tinoramba tine dambudziko rekuti vazhinji vatino trainer muno muZimbabwe vanobuda munyika voenda mune imwe nyika zvisiri kubatsira nyika yedu."

Makambani nezvitoro zvikuru zvakawanda zvinonzi zviri kuvhara nekuda kwekuoma kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi hwenyika.

Mukuru wesangano revezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu vanonzi nebepanhau reZimbabwe Independent vakayambira gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube mukupera kwegore rapera kuti kana pakasatorwa matanho akakodzera anogadzirisa hupfumi hwenyika nekukasika zvitoro zvikuru nemakambani makuru zvicharamba zvichivhara.

Zimbabwe yakatorasikirwa nezvitoro zvikuru zvinosanganisira Truworths, nemakambani akaita se Uniliver.

Asi vamwe vanoti hapana chinoshamisa kuti makambani aya akavhara vachiti kuri kuumbwa mamwe matsva ari kutungamirwa nezvizvarwa zveZimbabwe asiri kutaurwa nezvawo.

Asi vamwe ndivo vanoti kana makambani anonzi ari kuumbwa aya asiri kukwanisa kupinza vana vanenge vapedza zvidzidzo mabasa zvinoreva kuti vakawanda vacharamba vachichemera avaiziva akavharwa iwayo.

Gwaro reZNCC rakaburitswa muzva Zvita gore rapera rinoti vadzidzi vanodarika zvikuru makumi maviri nezvina vari kupedza zvidzidzo gore roga roga vari kushaya mikana yekupinda mabasa mumakambani emunyika.

Zimbabwe inonzi iri kusangana nedambudziko rekushaikwa kwemvura nemagetsi izvo zvinonzi zviri kuwedzera kutatarika kwemakambani agara aine matambudziko nechakare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG