Mubatanidzwa wemakere weZimbabwe Heads of Christian Denominations (ZHOCD) uri kukurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vasateerere kurudziro yevanhu vari kuti vanofanira kutonga kusvika 2030 izvi zvinotyora bumbiro remitemo.
VaMnangagwa pachavo vanomboti munhu anoremekedza bumbiro remitemo nekudaro vachasiya basa muna 2028. Asi vamwe mubato ravo reZanu-PF vari kuti vanofanira kuramba vachitungamira.
Makereke ari pasi pemubatanidzwa weZHOCD anoti Zimbabwe Council of Churches (ZCC), Zimbabwe Catholic Bishops’ Conference (ZCBC), Evangelical Fellowship of Zimbabwe (EFZ) neUnion for Development of Apostolic Churches in Zimbabwe (UDACIZA).
Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa nezvenyaya iyi.Asi vaudza nhepfenyuro yeZBC kuti VaMnangagwa handivo vari kuti vari kuda kuramba vari panyanga asi zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvine kodzerowo yekutaura zvazvinofunga.
Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Heads Of Christian Denominations, Mufundisi Wilfred Dimingu vanoti sekereke hapindiri mune zvematongerwo enyika asi vanomira savana chipangamazano vanobatsira nekukurudzira kuti zvinhu zvifambiswe negwara rakanka munyika izvo zvinosanganisirawo kuchengetdzwa kwe bumbiro remutemo nezvido zvevanhu.
Forum