Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisira Kukwezva Vanozodyara Mari Munyika kuMusangano weWorld Economic Forum kuDavos.


 World Economic Forum (WEF)
World Economic Forum (WEF)

Zimbabwe iri kumusangano wepagore weWorld Economic Forum uyo wakatanga neMuvhuro kuDavos, Switzerland, hurumende ichiti vari kushandisa mukana uyu kukwezva vanozodyara mari munyika.

Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube ndivo vari kutungamirira chikwata cheZimbabwe kumusangano uyu sezvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari pazororo. VaNcube vanoti vanoona sekuti zvicherwa zviri munyika zvichakwezva makambani makuru ekunze.

Vamwe vatungamiri venyika dzemudunhu reSADC vari kuDavos ndi VaCyril Ramaphosa veSouth Africa na Vafélix-Antoine Tshisekedi vekuDemocratic Republic of Congo-DRC .

Vachangobva kugadzwa kuve mutungamiri we America Va Donald Trump vari kutarisirwa kutaura musi wechina padandemutande vari kuWhite House.

Musangano we World Economic Forum unosanganisa vatungamiri venyika nevakuru vemasangano nemakambani pasi rese kuzeya nezvehupfumi, kusagadzikana kwematunhu, uye nzira dzekuvandudza hupenyu hwevanhu munyika.

Mumwe ari kupinda mumisangano iyi, vari nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvare Chenayimoyo Mutambasere vati, “Zimbabwe inofanira kugadzirisa zvinotariswa nevemakambani anoda kudyara mari munyika kwete kutarisra kuti vanonowana vanhu nemari kumusangano wakaita seuyu.”

Vanotiwo kuuya kumusangano weWorld Economic Forum uyu changova chirango sezvo pasina chouviri chinobatika chavanodzokera nacho kumusha kuseri kwemusangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG