Magweta ari kumiririra vagari vagari vepapurazi rinozivikamwa nekuti Manzou kana kuti Arnold farm kuMazowe ari kuronga kuendesa gurukota rezvekurima VaAnxious Masuka kumatare achivapomera mhosva yekusaremekedza mutongo wedare repamusoro.
Dare repamusoro rakamboti Amai Grace Mugabe, mudzimai wevaive mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe vasadzinge vanhu ava nechisimba uye mapurisa akaripiswa nekuputsa midziyo yavo.
Asi kunyangwe paine mutongo uyu, VaMasuku vanonzi vakapa purazi iri VaMafenyandira Mohadi, mwanakomana wemutuvedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi. Vagari ava vanozviti vatsigiri veZanu-PF vanoti vari kuurayirwa zvipfuyo zvavo, kuparadzirwa zvirimwa uye kusungwa nekushungurudzwa nemapurisa.
Gweta rinomirira vanhu ava rekuDonsa-Nkomo and Mutangi Attorneys, VaMoses Nkomo, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa naVaMohadi zvekumbunyikidza vanhu ava uye kuvabvisa panzvimbo yavakagara hazvisi pamutemo.
VaNkomo vatiwo vari mubishi kugadzira matsamba ekuendesa VaMasuka kudare repamusoro reHigh Court vachiti hofisi yavo yakatadza kugarisa vanhu ava zvakanaka uye kuvapa matsamba zvichienderana nemutongo wakapiwa nedare repamusoro reHigh Court muna 2017.
Vati, “Zvatiri kuona ikozvino ndezvekuti vanhu vari kumbunyikidzwa, vari kusungiswa, vari kurohwa, vari kushungurudzwa zvese izvi pasina mapepa anobva kudare.” Vatiwo, “Izvezvi tiri kugadzira mapepa ekukwidza gurukota rezveminda kumatare,” mazwi aVaNkomo.
Mutungamiri wevagari vepaManzou VaDennyboy Chaparadza vanoti VaMohadi vari kushanda nemapurisa kuvashungurudza. Vaudza Studio 7 kuti, “Tiri kunyanya kushungurudzwa naVaMafinyandira Mohadi.” Vatiwo, “Ndivo vasiri kuda kuona iyesu mudunhu muno.
Vari kuti ini ndini ndava nekodzero yekushanda. Kana tikada kuti tigare pasi tichionesana nevamwe, vari kubva vadeedza mapurisa,”
Mumwe mugari wepapurazi iri Amai Tapiwa Katsamudanga vaudzawo Studio 7 kuti mwana wavo mukomana ane makore gumi nemashanu akasungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekuti ainge afushira makomba ewaya ari kucherwa naVaMohadi papurazi iri.
Amai Katsamudanga vati, “Shuwa mwana akakandwa mukati akaswera arimo vachimushungurudza vakamusunga necheni vachimurova nekumubhutsura kuti ataure, kusvikira gweta rauya, ndiro rakazoita kuti mwana abude muchitokisi,”
Vanhu ava vanotiwo zvipfuwo zvavo zvakaita semombe zviri kutorwa zvichiurayiwa senzira yekuvarwadzisa kuti vabude mupurazi iri.
Amai Tendai Mazhara, vanoti kubva pakutanga kwegore rino varasikirwa nemombe dzinosvika shanu idzo dzakaurairwa muwaya yakaiswa naVaMohadi. Vati,
“Takatorerwa mombe dzinokwana kuita shanu mudanga.” Vaenderera mberi vachiti, “Madhonza maviri ane hadzi nhatu dzine mazamu dzikanourairwa muwaya yavari kukomberedza iyoyo,” mazwi amai Mazhara.
Kunetsana pakati paVaMohadi nevagari vekuManzou kwakatanga gore rapera mushure mekunge gurukota rezvekurima VaAnxious Masuka vapa VaMohadi tsamba yekugara nekurima papurazi iri.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMasuka naVaMohadi sezvo vose vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.
Asi gweta raVaMohadi, VaTymon Tabana, vaudza Studio 7 kuti, “Vanonyepa vanhu ivavo.” Vatiwo, “Mohadi ane permit yaakapiwa naMinister of Lands. Vakambopiwa ma offer letter ekunogara kumwe kusiri ipapo panguva yaMugabe asi vakaramba.”
Kunyange hazvo mutauriri wemapurisa wedunhu reMashonaland Central Inspector Milton Mundembe vati hofisi yavo haisi kuziva nezvenyaya iyi magweta ari kufambisa nyaya kubva kumativi ese atenda kuti vanhu ava vari kusungwa uye vamwe vavo vakatomiswa pamberi pedare remajisitireti kuConcession kuMazowe.
VaMundembe vakurudzirawo vagari ava kuti vaendese zvinyunyuto zvavo kuhofisi yavo. “Kuno uku hatina kana dambudziko ratati tanzwa.”
VaMundembe vaudza Studio 7. Vatiwo, “Ngavauye kuhofisi yangu. Kuno tinotambira zvinyunyuto zvavo. Vapei number dzangu dzefoni vauye vanhu ivavo,” VaMundembe vachitaura neStudio 7.
Papurazi apa pane vanhu vanosvika mazana matatu. Purazi reManzou raimbochengeterwa mhuka risati ratorwa nechisimba nevatsigiri veZanu PF kumakore ekuma2000 munguva yehondo yeminda.
Forum