Vamwe vakuru muSADC vanoti vatungamiri venyika dziri mugungano iri vari kutarisirwa kuita musangano nechimbi chimbi chero nguva kuzeya nyaya yemuDRC mune kurwisana kunotyisa pakati pevakapandukira hurumende veM23 nemauto ehurumende achitsigirwa neSADC uye United Nations.
Mumwe mukuru muhofisi yeSADC kumuzinda wayo kuBotswana asina kuda kudomwa nezita ati vatungamiri venyika vatotanga kuronga musangano uyu.
Mauto ekuSouth Africa mapfumbamwe nevamwe vatatu vekuMalawi vakaurayiwa nevechikwata cheM23 chiri kutsigirwa neRwanda, South Africa, Malawi neTanzania ndidzo nyika dzemuSADC dzine mauto ari muDRC. Mauto eM23 aya anoti atora dhorobha reGoma mushure mekurwisana kwakasimba nevari kutsigira hurumende yeDRC.
Mukuru munyaya dzekufambiswa kwemabasa musangano reSouthern African Liaison Office (SALO) VaMunjodzi Mutandiri vaudza Studio 7 kuti SADC inofanira kutsvaga nzira dzekudzikamisa zvinhu mudunhu sezvo manyanya kusagadzikana.
Forum