Accessibility links

Breaking News

Vasope Vobatsirwa Pachena neSangano reAlbino Trust Zimbabwe


Sangano rinomirira vane husope reAlbino Trust in Zimbabwe -ATZ svondo rino rakabatsira nhengo dzaro nevamwe vanoshay muMasvingo. ATZ yakaita hurongwa uhu yakabatana neguta reMasvingo.

Chirongwa ichi chakatanga musi wechipiri chichipera mwedzi unouya, asi chichaparurwawo mune mamwe matunhu. Vanhu vari kupuhwazve magirazi nemafuta ekuzora paganda kudzivirira zuva kana kuti "sunscreen" pachena kuti vasabatwe nechirwere chegomarara.

Mukuru webasa musangano reATZ, VaBruce Nyoni vati vakaparura chirongwa ichi kubatsira vanoshupika. Vati, “Ndinoda kutenda nekutipa mukana wekutsanangura chirongwa chedu chatanga nhasi paMucheke clinic mangwana tichange tiri kuRujeko tichange tichitarisa vanhu maziso nekuvapa magirazi pamwe nemafuta eganda kunyanya avo vane albinism”

Vane husope vakawana rubatsiro pachirongwa ichi vakaita saAmai Vimbai Munyara, vemumusha weRujeko , vanoti vakafara zvikuru sezvo vazhinji vavo vasina mari dzekuenda kuzvipatara.

Amai Munyara vati, “Ini ndiri mumwe weavo akatocollecta mareading glasses nemafuta emasun-screen tinozvifariria zvikuru.”


Vamwewo vakaita saAmai Agness Gurune, vekwaMucheke, vati chirongwa chemaziso chabatsira vana vane husope vari muzvikoro vanozvarwa vane dambudziko remaziso.


“Saka regai nditende veAlbinon Trust of Zimbabwe nekupa vana vari kuchikoro magirazi kuti vakwanise kuzviverengera vakwanise kuona zvakanaka vagobudirira muzvidzidzo zvavo zvichava zvichasimudzira dzidzo kuvana vane Albinism’’, Amai Gurune vaudza Studio 7.


Mayor weguta reMasvingo, VaAleck Tabe, vakurudzira vane husope nevagari kuti vauye vabatsirwe.

VaTabe vati, “Donzvo ratinaro kubatsira vanorarama neAlbinism kuti tiise sight to the world tichivheneka vanhu maziso , vese vane albinism vachange vachivhenekwa pachena vachipuwa magirazi pachena nekupuwa masunscreen pachena tichirwisa skin cancer”


Mutauriri webazi rezvehutano munyika iro rakapa chirongwa ichi vana chiremba, VaDonald Mujiri, vati titaure nemukuru webazi ravo muMasvingo, Doctor Amedus Shamu, avo vange vasingadairi nhare kana kupindura mibvunzo. Doctor Shamu vati, “I think munhu wekutaura naye izvezvi ndiPMD because I dint get a brief about it, taura naPMD vanokupa madetails acho ese.”


Vamwe vagari vasina kuremara vange vachida kubatsirwa vabvisiswaa mari shoma inoita madhora makumi mashanu ekuAmerica.


Nyanzvi munyaya dzezve hutano vari chiremba, Doctor Kudzani Masinire, vanoti chirongwa ichi chakanaka chose asi vakatiwo vanhu vanofanira kupihwa chenjedzo.

Doctor Masinire vati, “Chidiki chatinogona kusvikira our low hanging fruits kuedza kudzivirira gomarara iri nekudzidzisa varwere veAlbinism ku creata awareness nekuvanhu vese zvavo munyika nekudzidzisa varapi.”


Dr Masinire vanoti vanhu zvikamu gumi kubva muzana vane husope muAfrica vanobatwa nechirwere chegomarara reganda.

Vatizve vazhinji vane husope vanokurirwa nechirwere chegomara reganda pakati pemakore makumi matatu nemakumi mana ekuberekwa.


VaNyoni vati ATZ ichange ichiita chirongwa ichi kwemakore mashanu anotevera munyika mese uye ichabatsira vakaremara nemawheel chair, madondoro, pamwe nezvimwe zvikwanisiro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG