Accessibility links

Breaking News

Kambani yekuChina Yakaropafadzwa naVaMnangagwa Yoramba Kuripa Vanhu Vayakatorera Minda kuMaruwa ekuHurungwe


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Gurukota rinoona nezvezviwanikwa Amai Sithembiso Nyoni nemukuru weEnvironment Management Agency (EMA) VaAaron Chigona vaendeswa kumatare nevagari vekuHurungwe kuMashonaland West mumisha yeChasara neKapere, Ward 11 in Katenhe kuMagunje nenyaya yekutorerwa minda yavo nekambani yeLabenmon Investment yekuChina pasina muripo.

Kambani iyi inonzi yakaburitsa tsamba yekuratidza kuti yainge iine maropafadzo emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Vagari ava vari kumiririrwa nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights. Kambani iyi yakambonetsanawo nevanhu kwaMutoko.

Asi mumwe mukuru wekambani yeLabenmon Investment, VaHua Winx vanoti kambani yavo ichaunza mabasa kuvanhu vemunharaunda zvinoita kuti Zimbabwe ibudirire.

Lebenmon Investment inogadzira simende. Vagari ava vanoti kambani iyi yakatanga kuisa hoko muminda yavo kutanga muna Chikunguru gore rapera.

Kanzuru yeHurungwe yakapa kambani yeLabenmon Investments nzvimbo yekuvakira pachazenge pachigadzirirwa simende pedyo nedhamu reKamureza zvichitevera tsamba yavakanyorerwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri vehurumende VaKembo Mohadi gore rapera musiwa 15 Chikumi.

Imwe tsamba yakanyorerwa nemunyori mukuru mubazi rezvematunhu VaJosphat Jaji vachivakurudzira kuti vatevedzere zviri mutsamba yaVaMohadi. Hatina kukwanisa kubata mutauriri wevatungamiri venyika VaGeorge Charamba kuti tinzwe divi ravo.

VaMohadi vakazivisa mutsamba yavo kunasachigaro wekanzuru yeHurungwe uye sachigaro webato reZanu PF mudunhu reMashonaland West Amai Mliswa-Chikoka kuti danho rekuti zvizvarwa zvekuChina zvipihwe nzvimbo yekuvakira kambani yavo rainge ratorwa mumusangano wakaitwa nezvizvarwa izvi nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaine vatevedzeri vavo vose vari vaviri.


Vari kumirira vanhu ava magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights anoti VaTinashe Chinopfukutwa naVaKelvin Kabaya. VaKabaya vati vamirira kunzwa kubva kumatare pachikumbiro chekuti kambani iyi imbomira basa kusvika yaripa vanhu vayakatorera minda.


Asi VaWinx vakaudza Studio 7 kuti vari kutarisira kudyara mari inosvika bhiriyoni imwechete, kugadzira matani mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe kana kuti 2. 7 million tons zvesimende pagore pamwe nekuwanisa mabasa vanhu zviuru zvishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG