Sachigaro weArican Union (AU) Commission, VaMoussa Faki Mahamat vanoti vanotambira zvakabuda mumisangano yeSADC neEast aArican Community (EAC) yakaitwa svondo rakapera ichizeya kusamira zvakanaka kwezvinhu munyika yeDemocratic Republic Of Congo (DRC) nekuda kwekurwisana kuri kuitika munyika iyi.
Doctor Mahamat vanoti vanowirirana nehurongwa hwekuti paitwe musangano wechimbi chimbi nemasangano maviri aya kuti vabude nechisungo chimwe chete pakupedza hondo.
Vanoongorora zvehupfumi vari mukuru wezvirongwa musangano Rezimbabwe Network For Social Justice, VaRuben Mbofana vanoti havaoni paine chinganyanyoshanduka pamamiriro akaita zvinhu nekuti kurwisana kwakatanga kare asi Hapana chakaitwa chakagona kumisa hondo iyi.
VaMbofana vanotiwo panofanirwa kuitwa nhaurirano nevari mumapoka ari kupomerwa kupesvedzera mhirizhonga iyi nevatungamiri venyika dziri kunongedzerwa kukonzera kuti kuwrisana kurambe kuchienderera kumberi.
Forum