Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Nyika Yananga Kumawere neNyaya yeKushandiswa kweZvinodhaka


Police launch drug abuse awareness campaign
Police launch drug abuse awareness campaign

Nyanzvi munyaya dzezvehutano vari mukuru weDept of Chemical Pathology paUniveristy of Zimbabwe Muzvinafundo Hilda Matarira vanoti nyika inogona kusangana nedambudziko guru nekuda kwekushandiswa kwezvinodhaka rinogona kuzouraya vanhu vakawanda rikasatorerwa matanho.

Mushure mekuona kupararira kwoita dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka iri, bazi rinotungamirirwa naMuzvinafundo Mataria paUniversity of Zimbabwe rakaparurwa chirongwa chinonzi Abused Substances Diagnostic and Managment.

Muzvinafundo Matarira vaudza Studio 7 kuti ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezvehutanol idzi yakaburitsa pachena kuti vana vadiki vanemakore mapfumbamwe, 9 zvichikwira vave kuputa nekushandisa zvinodhaka.
Vaendera mberi vachiti zvinodhaka izvi zvatekesherawo muzvikoro.

Vaendera mberi vachiti zvatora makore gumi nematanhatu, 16, kuti nyaya iyi ijekere nyika uye vanoti dambudziko iri ravekubatawo vanhu vakuru vane makore anodarika makumi matanhatu kana kuti 60.

Muzvinafundo Matarira vatiwo damudziko iri rave kukonzera mhirizhonga mudzimba uye kupararira kwezvirwere.
Vaenderera mberi vachiti zvipatara zvinorapa vanenge vorasika njere zvakaita seNgomahuru yekuMasvingo neEngutsheni iri kuBulawayo zvazarisa nekuda kwedambudziko iri.
Muzvinafundo Matarira vati chipatara cheMpilo chekuBulawayo chakakatovhura imwe wadhiyekurapa vane chirwere chepfungwa.


Mukuru wesangano reMubatirapamwe Trust, iro rinobatsira vechidiki vane dambudziko rekushandisa zvinodhaka, Amai Christine Kiri Hurukuro Madamombe vatsinhirawo vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanka zvikuru muvadiki.
Munyori wesangano reZimbabwe Doctors for Human Rights Dr Morman Matara vanoti vanhu vakawanda vari kufa nekuda kwekushandisa zvinodhaka.

Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko VaJenfen Muswere vanoti nyaya dzekuputa nekunwa zvinodhaka ratova dambudziko guru zvokuti vanhu vanodarika zviuru zvitatu vakasungwa gore rapera.


Kusamira zvakanaka kwezvehupfumi kunonzi kuri kupawo kuti vamwe vechidiki vagume voshandisa zvinodhaka.

Mutoriro, Chalk, Ice, Guka, Broncleer, Bronco, Fembo, Maragado, Mangemba neMbanje ndizvo zvimwe zvinodhaka zvirikunyanya kunwiwa nekuputwa munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG