Accessibility links

Breaking News

Dambarefu raBeyonce Rokunda Mamwe Ose kumaGrammy Awards


Beyonce eachimbundirana nemwanasikana wake Blue Ivy Carter.
Beyonce eachimbundirana nemwanasikana wake Blue Ivy Carter.

Muimbi ane mukurumbira muAmerica Beyonce ndiye akapihwa mubairo wekuva nedambarefu rakakunda mamwe ose mumakundano echimakumi matanhatu nenomwe kana kuti the 67th Grammy Awards akaitirwa kuCalifornia nezuro.

Vanhu zviuru gumi nezvitatu ndivo anovhota mumakwikwi aya. Beyonce ange asati ambopihwa mubairo uyu munhoroondo yake akazokwanisa kuita izvi nedambarefu rake, ‘Cowboy Carter’.

Kendrick Lamar ndiye akawana mubairo wekambo kakafarirwa zvikuru kana kuti Song of the year nekambo “Not Like Us,” muimbi wekuNigeria ane mukurumbira wemusambo weAfrobeats Temilade Openiyi anozivikanwa nezita rekuti Tems arikufadza vazhinji mushure mekupihwa grammy award pachikamu che“Best African Music Performance nekambo “Love me Jeje.”

Mumwe mugari wemugata reRiverton, muCalifornia uye vari mutungamiri wesangano reConcerned Families amai Fortunate Hove-Cooper, vanoti veruzhinji vari kufara nezvabuda nezuro kumabiko aya sezvo zvakaitika panguva iyo dunhu reCalifornia range rakambotarisana nedambudziko remoto wakapisa dzimba zhinji nekukonzera zvakare kurasika kwehupenyu.

"Tiri kufara nezvakaitwa naBeyonce semudzimai wechitema, izvi zvinopawo vamwe madzimai mukana wekuwona kuti kana navowo vanogona kuimba mimwe misambo yedzimbo sezvaakaitawo,"Amai Hove-Cooper vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG