Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanyora mashoko padandemutande reX vachizivisa mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump kuti vakagadzirira kutambira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvisina magwaro ekugara zviri pamutemo.
VaTrump vakaparura chirongwa chekudzinga vari muAmerica. Gore rakapera, veUS Immigration and Customs Enforcement's (ICE) vakati vainge vasunga zvizvarwa zveZimbabwe mazana mashanu nemakumi mana nevashanu- 545 zvisina magwaro ekugara zviri pamutemo. VaMnangagwa nevamwe vai pedyo navo vakatemerwa zvirango nehurumende yeAmerica vachipomerwa mhosva yehuori nekutonga nedemo.
Izvi zvinonzi zviri kupa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvitize munyika zvichinotsvaga mafuro manyoro. Aka hakasi kekutanga VaMnangagwa vachiyedza kuti vave nehukama naVaTrump.
Muna 2018, VaMnangagwa vakamboti vainge vataura nehofisi yaVaTrump kuti vaida kuvapa nzvimbo yekuvakira nhandare yegolf kuVictoria Falls munochengeterwa mhuka.
Forum