Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, taita hurukuro naVaMwandibhuya Kennedy Mutepfa vanove mutungamiri uye mumwe wevanhu vakaumba sangano reFriends of Karanda Mission Hospital.
VaMutepfa, avo vanogara muguta reCalgary riri mudunhu reAlberta kuCanada, vanoti chinangwa chesangano ravo ndechekubatsira chipatara cheKaranda Mission kuburikidza nekuunganidza mari nezvikwanisiro zvekubatsira kusimudzira kurapwa kwevarwere vanenge vaine magomarara vanoenda kunorapwa pachipatara ichi.
VaMutepfa vanoti chakanyanya kuvasunda kuti vaumbe sangano iri matambudziko avakasangana nawo ekurwarirwa nehama dzepedyo dzinoti baba, mukoma nemunin'ina nezvirwere zvemagomarara akasiyanasiyana.
Vanoti hurwere hwemunin'ina wavo ndihwo hwakanyanya kuvaomera sezvo hwaida mari yakawanda, zvekuti vakatsvaga nzira dzekuunganidza nadzo mari dzakasiyanasiyana asi mari yaidiwa haina kukwana zvekuti vakatozosvika pakushandisa motokari yemurwere sechibatiso kune mumwe chiremba kuti arape murwere ivo vachitsaga mari yake yekuti vadzoserwe motokari yavo.
"Saka zviitiko izvozvi zvinhu zvakanyanya kundibatisisa kuti mukurarama kwedu isu titombori nemari shoma shoma yacho tichitambudzika zvakadaiso tichi raiser mari kuti hama dzedu dzirapwe, saka vaya vasitorina vari kumaruzevha vanoshaya, nherera neshirikadzi, vakasangana nedambudziko rakadai vanoita sei?"
VaMutepfa vanoti kunyange hazvo hama dzavo dzisina kumbobvira dzakarapwa paKaranda Mission Hospital, muvakidzani wavo vari chiremba, Dr. James Watt, ndivo vakazovakurudzira kuti vabatsire chipatara cheKaranda vachiti vaiziva mashandiro acho asina huwori.
Dr. Watt vakamboshanda paHoward Hospital pamwechete naDr. Paul Thistle vanove vave mukuru weKaranda Mission Hospital.
Chipatara cheKaranda, icho chiri muMt. Darwin mudunhu reMashonaland Central, chakatanga kushanda muna 1961 uye chine mukurumbira wekurapa zvirwere zvakawanda, zvinosanganisira magomarara.
VaMutepfa vanoti vanoda kuvabatsira kuunganidza mari nezvikwanisiro vanokwanisa kuvabata panhamba dzinoti +1 587 500 3490, kana kuenda padandemutande reFriends Of Karanda Mission Hospital rinoti friendsofkaranda.com apo vanokwanisa kuwana fomu rekuti vape rubatsiro.
Vanotiwo vanoda kuvabata vanokwanisa kutumira tsambambozha pakero inoti support@raramastrong.com.
Forum