Accessibility links

 
Kurudziro yeKuti Veruzhinji Vasapa Pfungwa Dzavo Panovandudzwa Bumbiro reMitemo Kuti VaMnangagwa Varambe Vachitonga Yoshoropodzwa neVamwe
Breaking News

Kurudziro yeKuti Veruzhinji Vasapa Pfungwa Dzavo Panovandudzwa Bumbiro reMitemo Kuti VaMnangagwa Varambe Vachitonga Yoshoropodzwa neVamwe


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kunzi nedzimwe nhengo dzeZanu PF varambe vachitonga.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kunzi nedzimwe nhengo dzeZanu PF varambe vachitonga.

Apo kurudziro yekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Varambe vari pachigaro kudarika temu yavo iyo inopera muna 2028 iri kukura, vamwe mubato reZanu PF vanoti mave nekupumhana huroyi nekutyisidzirana, dzimwe nhengo dzebato dzinoonekwa sedziri kupikisana nekurudziro iyi dzichimbomiswa kuve nhengo kana kutorerwa mamwe matanho.

Mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, vakazivisa nezvematanho avakati achatorerwa nhengo yeCentral Committee yebato ravo vari murwiri wehondo yerusununguko, VaBlessed Geza, avo vari kuonekwa semumwe wevanhu vari kutungamira mukuramba kuti VaMnangagwa varambe vari panyanga.

KuMasvingo, nhengo mbiri vari vamiriri veparamende vanonzi vakambomiswa kuve nhengo vachipomerwa mhosva yekuita musangano unonzi wakaitwa muchivande wekukanganisa hurongwa hwe 2030 mukupera kwesvondo.

Ukuwo, matunhu akawanda ari kuenderera mberi nekutsigira hurongwa hwekuti bumbiro remitemo rivandudzwe kuitira kuti VaMnangagwa varambe vachitonga.

Dunhu reHarare rinonzi rakatokurudzira kuti kana bumbiro remitemo rakavandudzwa kusaitwa hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu, kana kuti Referendum, kunyange hazvo bumbiro remitemo racho richiti panovandudzwa bumbiro remitemo panofanirwa kunzwikwa pfungwa dzevanhu.

Vari kupikisa hurongwa uhu kusanganisira vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaGodfrey Kurauone, vanoti hapana bumbiro remitemo rinovandudzwa pasina kunzwikwa kwepfungwa dzevanhu.

Asi nhengo yevechidiki muZanu PF, VaSnowball Tongogara, vanoti zviri kuitika pari zvino zvichiri zvebato ravo nenhengo dzavo chete, kwete zvevanopikisa vavari kuti vari kuhakira nyaya isiri yavo.

VaTongogara vanoti kana nguva yekuti vekunze vakokwe vapindire munyaya yehutungamiri iri kuzeyiwa iyi vachaziviswa.

Asi Vakuraoune vanoti nyaya yekudomwa kwemutungamiri wenyika inyaya yemwana wese weZimbabwe sezvo kuita izvi pachishandiswa mitero yevana veZimbabwe. Vanoti vana veZimbabwe vakachazviramba zvekukanganisa bumbiro rakaumbwa muna 2013 iri.

Vari kukurudzira VaMnangagwa kuti varambe vari pachigaro vari kuita izvi kunyange hazvo ivo mbune vakataura kuti vachanozorora panopera temu yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG