Komisheni yakagadzwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuferefeta huwori hunonzi hwapfunya chisero mukanzuru yeHarare. Vaimbove mutongi, Justice Maphios Cheda, iri kuenderera mberi nekubvunzurudza vakuru ve kanzuru nemafambiro ari kuita zvinhu.
Nezuro nanhasi vanga vachibvunzurudza meya VaJacob Mafume avo vari kubvuma kuti vane zvimwe zvavakakanganisa mukufambiswa kwebasa rekanzuru. Zvimwe zviri kubuda mutsvakurudzo yekomisheni iyi kuti makambani ekanzuru akait seHarare Quarry neRufaro marketing akanyoreswa mumazita evanhu, vamwe vakanguri vasiya basa mukanzuru iyi.
Imwe kambani ye kanzuru yeCity Parking, inonzi yakagadziriswa mazita gore rakapera kuti iiswe muzita rekanzuru. KuHarare Quarry kunonzi kwkabiwa mari inosvika mamiriyoni mana nezviuru mazana mashanu kana kuti $4.5 Million USD.
Meya, VaMafume vanonzi vakazvipa nekuvaka nzvimbo dziri muguta zvisiri pamutemo uyewo kupomerwa mhosva yekutora mari dzechiokomuhomwe. Pavabatwa neStudio 7 kuti vape divi ravo panyaya iyi, VaMafume vati vange vari pavange vasin kusungunuka kutaura.
Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaStanley Gama vaudza Studio 7 kuti nyaya yekomisheni inyaya iri kumatare edzimhosva, havakwanisi kutaura nezvayo.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mune rimwe sangano rinomiririra vagari vemuHarare reCombined Harare Residents Association (CHRA) VaRuben Akili vaudza Studio 7 kuti vave nemakore vachugunun’una nenyaya yehuori mukanzuru asi pasina chiri kubuda.
Forum