Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaRuto Votungamira Hurongwa Hwekumisa Hondo muDRC


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Vatungamiri venyika dziri muSADC nedunhu renyika dzekumabuda zuva kweAfrica reEast African Community, EAC vari kusangana mangwana kuTanzania kuti vazeye nyaya yehondo iri kuDRC iyo yopa kuti nyika dzakawanda dzemuAfrica dzinetsane.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanova sachigaro weSADC uye mutungamiri wenyika yeKenya VaWilliam Ruto vanova sachigaro weEAC ndivo vari kunzi neSADC vachange vachibatsirana kutungamiri musangano uyu.

Nhasi gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAmon Murwira uye mukuru wemakurukota kana kuti Prime Cabinet muKenya VaMusalia Mudavadi ndivo vange vari masachigaro emakurukota asangana kukurira vatungamiri nzira.

Mumusangano uyu VaMurwira vati zvakakosha kuti nyika dzemuAfrica dziite mubatirapamwe kugadzirisa matambudziko adzakatarisana nadzo.

VaMurwira vati zvinorwadza kuti vanhu zviuru mazana mana kana kuti 400, 000 havachina pekugara nekuda kwekurwisana muDRC. Mutungamiri weDRC VaFelix Tshisekedi nemutungamiri weRwanda VaPaul Kagame vati vachapinda mumusangano wemangwana.

Paul Kagame (Rwanda) naVaWilliam Ruto
Paul Kagame (Rwanda) naVaWilliam Ruto

Rwanda ine mauto muDRC ari kubatsira vakapandukira hurumende vechikwata cheM23. SADC ine mauto kubva kuSouth Africa, Tanzania neMalawi. Asi Malawi yave kuti ichaburitsa mauto ayo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi vaudza Studio 7 kuti kugadzirisa hondo yemuDRC yave nemakore kunonetsa.

Vati nekuda kwekuti munyika iyi mune zviwanikwa zvakawanda zviri kubiwa nenyika dzakabudirira nedzimwe dzemuAfrica idzo dzisiri kuda kuti hondo ipere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG