Accessibility links

Breaking News

Mabhanga muNyika Odzinga Vashandi Mabasa Achishandisa Michina (AI)


Msomali akitoa pesa kutoka kwenye ATM huko Mogadishu Desemba 14,2023. Picha na Hassan Ali Elmi / AFP.
Msomali akitoa pesa kutoka kwenye ATM huko Mogadishu Desemba 14,2023. Picha na Hassan Ali Elmi / AFP.

Mutevedzeri wemunyori mukuru wesangano rinomiririra vashandi vemumabhanga reZimbabwe Banks & Allied Workers’ Union (ZIBAWU) VaShepherd Ngangu vanoti vari kuita misangano nevakuru vemabhanga kuti vadzidzisewo vashandi nezvekushandisa michina yechizvinozvino kana kuti Artificial Intelligence kuti vasarasikirwe nemabasa.

Izvi zvinotevera kuzivisa kwebhanga guru munyika reCBZ kuti yave kumisa vashandi mazana mana mabasa nekuti inenge yoshandisa michina yechizvinozvino kana kuti Artificial Intelligence.

Zvichakaaro, vezvitoro munyika vamisa vashandi vanodarika chiuru chimwe chete mabasa. Izvi zvinotevera kuvharwa kwezvimwe zvitoro zveOK, Choppies neN.Richards.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanonzi vakatodimburira zororo ravo panzira kuti vayedza kugadzirisa nyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Bazi rezvehupfumi riri kuyedzawo kudzika mitemo yekudzikamisa hupfumi.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti uku kwave kuyeuka bako mvura yanaya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG