Bato riri muhurumende yemubatanidzwa muSouth Africa reDemocratic Alliance raendesa mapepa kudare repamusoro reHigh Court richipikisa mutemo wekutor aminda isiri kushandiswa kana kuti Expropriation Act uyo wakonzera kuti pave neropa rakaipa pakati pehurumende yeSouth Africa neAmerica.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vakabva vazivisa kuti hurumende yavo yamira kupa South Africa rubatsiro nekuda kwemutemo uyu vachiti South Africa ndewerusaruraganda.
Vakati varungu vari kutorerwa minda vakasungunuka kuuya kuAmerica kunopotera.
Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vakambotaura nechipangamazano chaVaTrump, shoroma VaEllon Musk asi zvakakona n’anga murapwa achida.
Ukuwo bato rinopikisa reUmkonto weSizwe kana kuti MK raendesawo sangano reAfriforum kumatare richiti kunyepa kwariiri kuita kwakafana nekupandukira hurumende sezvo vari kuti ndiro riri kuudza VaTrump zvemanyepo.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakashorawo danho reAmerica vachiti zvinoitwa nehurumende dzevapambepfumi.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi vaudza Studio 7 kuti VaTrump vanenge vakurumidza kumedza kutsenga kuchada nekuti South Africa haisi kuita zviakaitwa neZimbabwe zvekuita zvemhirizhonga nejambanja.
Forum