Chimwe chikwata chebato reCCC chinotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube chashevedza vanozviti ndivo munyori mukuru webato reCCC, VaSengezo Tshabangu, kuti vamire pamberi pekomiti inoranga vanotsautsira, kana kuti disciplinary committee, chichi vapomera mhosva yekutyora mutemo webato.
Gwaro rekuvashevedza kudare iri, iro raonekwa neStudio 7, riri kuti vanofanirwa kumira pamberi pekomiti iyi nemusi weChitatu kuSoutheton muHarare, asi harina kutara mhosva dzavari kupomerwa.
Mutauriri wechikwata chaVaNcube, VaWillas madzimure, vanoti VaTshabangu vakatsautsira gwara remusangano uye gwara rebumbiro remusangano.
"Kuita kwavo kusiri kuwirirana nemaitirwo anoitwa zvinhu mumusangano wedu weCCC. Musangano wedu weCCC unotevedzera Constitution. Uye musangano wedu weTripple C une maitire aunoita pane chese chaunenge uchiita."
VaMadzimure vanoti zvave kwavari VaTshabangu kuenda kana kusaenda kunopa divi ravo pazvipomerwa zvavari kupiwa.
Asi gweta uye vachitaura vakamirira VaTshabangu, VaNqobizita Mlilo, vaudza Studio 7 kuti tsamba inonzi yakasvitswa kuna VaTshabangu yekuvakoka kumusangano uyu haina kupiwa kwavari sezvo yakasiirwa mudzimai wavo, uye havana ruzivo rwekuti yakabva kunaani, zvichireva kuti havasi kuzoendako.
Chikwata chaVaNcube chakapomera VaTshabangu mhosva yekushandura hutungamiri hwebato muparamende zviri kunze kwemutemo chakakwira kudare reHigh Court.
Nyaya iyi inonzi yamirira kunzwikwa kudare reSupreme Court.
Forum