Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inopeta Chimwe Chirongwa cheKupa Nhomba yeKudzivirira Polio


Chirongwa chekudzivirira mhetamakumbo kana kuti polio.
Chirongwa chekudzivirira mhetamakumbo kana kuti polio.

Bazi rezvehutano rinoti chirongwa chekudonhedzera vana vari pasi pemakore gumi nhomba yekudzivirira mhetamakubo kana kuti polio chakaitwa svondo rapera chakafamba zvakanaka chose.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vaudza Studio 7 kuti chirongwa ichi, chinove chechina, chakaitwa kubva musi wa 4 kusvika musi 7 mwedzi uno, uye chinonzi chakaitwa mumatunhu ose emunyika.

Asi vamwe vabereki vanonzi havasi kufara nekuwaanda kwenhomba idzi uye kunyanya kutevedzana kwadzo vachiti vanotyira kuti zvinogona kuzokanganisa hutano hwevana vavo.

Asi nyanzvi mune zvehutano vari chiremba vanoshanda vari kuNorth Carolina muAmerica, Dr. Simbiso Ranga, vanoti hapana chinokanganisa hutano hwevana sezvo nhomba idzi dzichitanga dzavhenekwa zvakasimba nenyanzvi.

Chirongwa ichi chaifanirwa kuitwa mwedzi wapera waNdira asi chinonzi chakazoendeswa mberi mushure mekunge nhomba yanonoka kupinda munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG