Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi Dzokurudzira RBZ Kudzosa Chivimbo muMabhanga Kuti veMabhizimusi neVeruzhinji Vaendese Mari Dzavo Ikoko


Veruzhinji vanonzi havachina chivimbo nemabhanga.
Veruzhinji vanonzi havachina chivimbo nemabhanga.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kuyambira hurumende kuti isaite zvekutyisidzira vemabhizimusi kuti vaendese mari dzavo kumabhanga, dzichiti kuita izvi kunotowedzera matambudziko munyika pamwe nekukonzera kuvharwa kwemabhizimusi akawanda.

Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa svondo rapera nagavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mushayavanhu, ekuti vamwe vemabhizimusi vakawanda vari kuchengetera mari dzavo mudzimba vasingadziendese kumabhanga kuti dzibatsire nyika kuburikidza nekushandiswa neveruzhinji.

Vachizivisa nezvehurongwa hwemashandisirwo emari mugore rino ra2025, Doctor Mushayavanhu vakati kunze kwekuzvishevedzera mbavha, kuchengetera mari mudzimba kana kusaendesa mari kumabhanga kutyorawo mutemo weAnti-Money Laundering Act.

Vakati boka reFinancial Intelligence Unit (FIU) harizi kuzoramba rakapeta maoko richiona izvi zvichiitika.

Asi vanoongorora zvehupfumi vachishanda nesangano reCenter for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti havafungi kuti kutyisidzira kana kuvhundutsira kuri kuita VaMushayavanhu uku kunoita kuti vemabhizimusi vatirimuke.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDeVry University kuOhio muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti panofanirwa kuve nekutaurirana pakati pevemabhizimusi ava nehurumende, kwete kuita masimuka tienzane avanoti ari kuitika pari zvino ayo avanoti anogona kukonzera kuti vemabhizimusi vavhare sezviri kuonekwa iye zvino.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chebhanga guru renyika, VaPersistence Gwanyanya, vanoti munhu wese nemakambani ose vanosungirwa pasi pamutemo weBank Use Promotion Act kuti vaendese mari dzavo kumabhanga, vachiti basa remari idzodzo nderekuti dzishandiswe nemabhanga pamwe nekupiwawo kune veruzhinji vachishandisawo, kwete kuchengetera mari mumagaba.

VaGwanyanya vanoti nyika dzinosimukira kuburikidza nekushandisa mari dzevanhu dzinenge dziri kumabhanga, kwete kuti mari ishande iri kunze kwemutemo.

Asi zvinoitika here izvi?

Nyanzvi mune zvehupfumi vari munyori anoona nezvemari mubato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, Doctor Tapiwa Mashakada, vanoti kuti izvi zviitike hurumende inofanirwa kutanga yadzosa chivimbo kune veruzhinji kuti vakwanise kuvimba nemabhanga sezvo kumashure uko vanhu vaingomuka mari dzavo dzaive kumabhanga dzadyiwa kwadzinotopera dzisingabereki.

Zvasara kuona kuti vemakambani nevose vari kupomerwa mhosva iyi vachatorawo matanho api? Vovhara mabhizimisi avo here kana kuti voendesa mari kumabhanga kwadzinodyiwa nemujuru?

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG