Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMarco Rubio vati hurumende yeAmerica haisi kuzomira kupa rubatsiro zvachose kunyika dzichiri kubudirira.
Asi vati vari kuda kuona kuti zvinoendererana here nehurongwa hwemutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump zvisingangopedza mari dzemitero dzevanhu.
Vachitaura nenpfenyuro yeSirus nezuro, VaRubio vati zvirongwa zvakaita sechePresident’s Emergency Plan for AIDS Relief kana kuti PEPFRA zvabatsira vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviuri nemashanu 25 million vane hutachina hweHIV kubva muna 2003 zvichaenderera mberi.
Asi vati vachatanga vaona mashandiro azvo. Hurumende yeAmerica yakambomira kupa nyika dzichiri kubudirira mari kwemwedzi mitatu. Zimbabwe yawana mari inosvika 1,7 billion kubva kuhomwe iyi kubva muna 2006.
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakamboudza vatori venhau kumucheto wemusangano weWorld Economic Forum kuDavos kuti pasina mari iyi, Zimbabwe yaizotatarika munyaya dzezvehutano.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Simbiso Ranga vaudza Studio 7 kuti rubatsiro rwePEPFAR rwakakosha zvikuru munyika dzechiri kubudirira uye zvabatsira kuderedza huwandu hwevari kubatwa nechirwere cheHIV/AIDS.
Forum