Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanoti Hapana Kudzokera kuMashure paNyaya yeKuwedzera Mitero paSimbi Dzinotengwa neAmerica


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mitengo yezvinhu zvakaita semotokari dzinotengwa muAmerica ichawedzera zvakanyanya pachatanga kushanda mitero yezvikamu makumi maviri nemashanu kubva muzana kana kuti 25% pamutengo wesimbi kana kuti steel nealuminum dzinotengeserwa nyika yavo.

Mitero iyi ichatanga kushanda musi wa 12 Kurume. Nyika dziri musangano reEuropean Union neCanada dzinoti dzichakwidzawo mitero pane zvadzinotenga kuAmerica zvinonzi nenyanzvi zvinogona kuti patange hondo yekutengeserana.

VaTrump vakazivisa nemusi weMuvhuro kuti vakange vatora danho iri nekuti America yange ichibatirirwa nenyika dzakawanda panyaya dzekutengeserana.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari Muzvinafundo paDevry University VaElliot Masocha vati mitengo yezvinhu pasi rose ichatanga kuwedzera nekuda kwekunetsana uku.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG