Accessibility links

Breaking News

VaGeza Votsvagwa neMapurisa Vachinzi Vakazvidza VaMnangagwa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mapurisa aburitsa mashoko kuvator venhau padandemutande ravo reX achiti ari kutsvaga murwiri wehondo yerusungunuko VaBlessed Geza.

VaGeza vave kupomerwa mhosva dzekuzvidza mutungamiri wenyika, kupesvedzera mhirizhonga nedzimwe.

Izvi zvinotevera kurudziro yavageza yekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havafanire kuda kurambira pachigaro nekuti vakundikana kutonga nyika.

Vanoti VaMnangagwa vari kuita huwori, chizivano nekutadza kuremekedza rusunguko rwenyika rwakarwirwa nevarwi verusununguko muhondo yechimurenga.

Asi vamwe muZanu-PF vari kuti VaGeza vanova nhengo yeCentral Committee varasa gwara remusangano.

Studio 7 yabata mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi ikavavunza nezvenyaya yekuda kusunga VaGeza.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata vageza kuti tinzwe divi ravo kunyangwe tavatumira mibvunzo panharembozha yavo.

Asi sachigaro werimwe boka revarwi vehondo yerusununguko riri kushanda naVaGeza reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaEthan Matibela vati kusunga VaGeza hakusi iko kunopedza kurudziro yekuti VaMnangagwa vaiye basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu- PF, VaFarai Marapira vanoti Zanu-PF haineyi nekusungwa kana kutsvagwa kuri kuitwa VaGeza nemapurisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG