Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasimuka nhasi vakananga kukuAddis Ababa, Ethiopia kumusangano wepagore weAfrica Union wechimakumi matatu nesere kana kuti (38TH) Ordinary Session.
Dingindira regore rino rakanangana nekuti nyika dzemuAfrica dzipihwe muripo nekuda kwekupambwa kwadzakamboitwa nenyika dzekumawira kana kuti, “Justice for Africans and People of African Descent’ Through Reparations” Kumusangano uyu kuchazeyiwa nyaya dzakakosha dzinosanganisira dzekusagadzikana kwakaita kuDRC nekuSudan nekuda kwehondo.
AU panopera musangano uyu inenge yave nehutungamiri hutsva. Sachigaro wesangano iri vari mutungamiri wenyika yeMauritania VaMohamed Ould Abdel Aziz vachange vosiira basa mutungamiri wenyika yePortugal VaJão Manuel Gonçalves Lourenço.
Sachigaro weAfrican Union Commission VaMoussa Faki Mahamat vekuChad vave kusiyawo basa sezvo makore avo ekutungamira akwana. Sezvo ushe huri madzoro, chigaro ichi chave kuenda kunyika dzekumawirira kweAfrica.
Vari kukwikwidzana vanoti gurukota rinoona nezvekuyidzana nedzimwe nyika kuDjibouti’s VaMahmoud Ali Youssouf, vaimbova mutungamiri wehurumende yeKenya VaRaila Odinga uye vaimbova gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika kuMadagascar VaRichard Randriamandrato.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vanoti havaone havo vatungamiri ava vachikwanisa kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika dzavo vachiti kazhinji vanongotaura asi pasina chinozobuda.
Forum