Kunyangwe dzimwe nyika pasi rose dziri kucherechedza zuva revana vanorwara nedenda regomarara kana kuti International Childhood Cancer Day mangwana, Zimbabwe yaita hurongwa uhu nhasi.
Kurudziro iri kupihwa nenyanzvi ndeyekuti hurumende iise zvikwanisiro muzvipatara nechinangwa chekukwidza mukana wekurarama pavana vane denda iri kubva pazvikamu gumi nezviviri pari zvino kusvika pazvikamu makumi matanhatu muna 2030.
Vachitaura neStudio 7 pamhemberero dzaitwa muHarare nhasi, chiremba wegomarara muvana (pediatric oncologist) zvakare vari murairidzi paUniversity of Zimbabwe, Dr Patience Kuona vati zuva ranhasi nhasi rakakosha pakupararidzira ruzivo kurizhinji rwekuti chirwere chegomarara chinobatawo vana vadiki.
Vatiwo vana vanofanira kuendwa navo kuzvipata nekukasika kuti vanorapwa. Vanoti zvinosuwisa kuti vazhinji vachiri kufunga kuti chirwere chegomarara hachibate vana vadiki.
Dr Kuona vaenderera mberi vachiti pane vana vanenge vabatwa nechirwere chegomarara, zvikamu makumi maviri kubva muzana chete ndivo vanorarama nekuti vabereki vevana ava vakawanda vanenge vasina mari.
Vati, “Tinoshandisa mamwe maXray kurapa Cancer atinoti radiation zvinoda michina inodhura.”
Nyanzvi munyaya dzekurapa gomarara muvana pachipatara cheParirenyatwa zvakare vari kutungamira chirongwa cheGlobal Initiative for Childhood Cancer, icho chiri kutungamirirwa neWorld Health Organisation nebazi rezvehutano, Dr Loice Hlatshwayo, vati nhasi chaiye vaparura hwaro hwekuti vana vane denda iri vanorapwa sei uye kuti ringababtwe sei risati rakomba zvinowedzera mukana wekuti vararame.
Vati, “Kana tadaro mikana yekuti vana vedu vararame inowedzera” Vatiwo gomarara rinowanzobata vana nderemuropa.
Mumwe wechidiki akakwanisa kurapwa chirwere ichi Fadzai Tanyaradzwa Manana anoti nekuda kwekushaya akatozobatsirwa nesangano reKidzcan kuti arapwe pachipatara cheParirenyatwa.
Fadzai uyo ave nemakore manomwe kubva arapwa ave kubatsira vamwe vana vane chirwere chegomarara achishanda nesangano reKidzcan mushure mekupedza zvidzidzo zvake zvemagariro evanhu kana kuti Social Work paUniversity of Zimbabwe.
Mpilo neParirenyatwa ndizvo zvipatara chete zvehurumende zvinorapa chirwere chegomarara. Asi mishonga yekurapa chirwere ichi inonetsa kuwana.
Asi vachitaura nhasi, vange vakamirira munyori mubazi rezvehutano, Dr Aspect Maunganidze, VaLee Nkala, vati hurumende iri kuedza zvose zvainokwanisa kuunganidza mari yekutenga michina nemishonga yekurapa zvirwere zvakaita zvegomarara ichiunganidza mari kuburikidza nemutero wakaitwa seweshuga.
Vatiwo danho rakatorwa neAmerica rekumbomira kubatsira dzimwe nyika ravasvinudzawo kuti vatsvage dzimwe nzira dzekuzvimiririra.
Sangano reKidzcan rinokurudzirawo vabereki kuenda nevana kuti vandoongorwa denda regomarara kuti vakwanise kurapwa nanazvikokota.
Forum