Vanhu vakawanda munyika vabatana nhasi kurangarira mushakabvu Morgan Richard Tsvangirai gamba rekurwira kodzero dzevanhu vakashaya musi wa 14 Kukadzi 2018 kuSouth Africa mushure mekurwara nechirwere chegomarara.
VaTsvangirai vakavamba bato rinopikisa munyika reMovement for Democratic Change muna1999, mushure mekunge vatungamira sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions vari munyori mukuru.
Muna 2008 VaTsvangirai vakakunda mushakabvu Robert Mugabe musarudzo yemutungamiri wenyika asi havana kuzosvitsa mavhoiti aidiwa. Vakazobuda musarudzo dzechipiri kana kuti ‘run-off” sezvo vatsigiri vavo vakawanda vakange vopondwa nevanofungidzirwa kuti vasori, mauto nevatsigiri veZanu-PF.
Izvi zvakazopa kuti paumbwe hurumende yemubatanizwa vachibva vave mutungamiri wehurumende.
Mudzimai WaVaTsvangirai Amai Elizabeth Tsvangirai vati murume wavo aive nerudo uye ainge akazvipira kurwira vana veZimbabwe kuti vagarewo zvakanaka.
Munin’ina waVaTsvangirai, VaManase Tsvangirai vati rufu rwamukoma wavo rwakarwadza vakawanda kwete mhuri chete. Vati pavakapinda muhurumende yemubatanidzwa zvinhu zvakachinja uye mitengo yakadzika.
Vaive mutauriri waVaTsvangirai VaLuke Tamborinyoka vati mushakabvu aive munhu akashinga airwira hutongo hwejekerere.
Mutungamiri weMDC VaDouglas Mwonzora, avo vakashanda namushakabvu Tsvangirai vanoti mufi akabatanidza vakawanda.
Asi VaMwonzora, avo vave mutungamiri weMDC, vanoti zvinosuwisa kuti kushaya kwaVaTsvangirai kwakateverwa nekuparara kwebato ravo.
Wechidiki akashandawo naVaTsvangirai VaLovemore Chinoputsa vatiwo.
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimirira, VaShame Kanguni, vanoti veruzhinji havafi vakanganwa huchi nemukaka zvavanaoti zvakaunzwa naVaTsvangirai mushure mekupinda muhurumende yemubatanidzwa.
VaTsvangirai vakambopinda mutsaona yemumugwagwa yakaipisisa, iyo yakauraya mudzimai wavo wekutanga, Amai Susan Tsvangirai muna 2009.
Mushakabvu Tsvangirai vanorangarirwawo segamba rakamira kurwisa hwainzi hudzvanyiriri hwaVaRobert Mugabe, panguva ivo VaMugabe vainzi nevazhinji vaityisa zvekuti kana kufunga nezvavo, kwaigona kuita kuti hana irove. Vakashaya vave nemakore makumi matanhatu nemashanu.
Forum