Accessibility links

Breaking News

MaMighty Warriors Asvika kuAngola


Zimbabwe Mighty Warriors Soccer Women
Zimbabwe Mighty Warriors Soccer Women

Chikwata chemaMighty Warriors chasvika nhasi kuAngola kumutambo wekutanga we2026 Women's Africa Cup of Nations uchatambwa nemusi weChina.

Chikwata ichi chakavimbiswa kuti chichawana mari yemuhoro nemabatirwo akafanana nechikwata chevanhurume izvo zvange zvisingaitike munhoroondo yechikwata ichi.

Vachishanyira chikwata ichi mukamba machaive chiri, mutevedzeri wemutungamiri weZifa, Muzvare Loveness Mukura, nenhengo yebhodhi reZifa, Muzvare Kudzai Kadzombe, vakavimbisa chikwata chevanhukadzi ichi huchi nemukaka panguva yese iyo chinenge chichimirira nyika.

Muzvare Kadzombe vanoti chinangwa chavo chikuru kuyananisa nhabvu yevanhukadzi neyevanhurume kuti zvive pamutara mumwechete. Vakati, "Tinovimba kuti nhabvu yevanhukadzi tichakwanise kuti tiisimudzire kuti inge yakafanana neyevanhurume." Vakaenderera mberi vachiti, " Tichitarisa kumaMighty Warriors tichidzika zasi kusvika panotangira nhabvu yevechidiki."

Chikwata ichi chakashanyirwa zvekare mukamba umu nemutungamiri mutsva weZifa, VaNqobile Magwizi, vachisimbisa zvinangwa zvesangano ravanotungamira.

Mutungamiri wezvemitambo, Muzvare Patience Mutumwa, vanoti gwara riri kutorwa neZifa kuzvikwata zvevanhukadzi ndiro chairo sezvo zvikwata zvenyika zvichifanirwa kubatwa zvakafanana.

"Kana mari ichinge yauya ngaigoverwe zvakafanana. Kana zvikwanisiro zvichinge zvauya ngazvigovere zvakafana kuvarume nekuvakadzi Izvozvo pachazvo zvichaita kuti nhabvu yevakadzi neyevarume zvitariswe neziso rakafana," Vanodaro Muzvare Mutumwa.

Zvikwata zvenhabvu zvevanhukadzi zvanga zvisingabatwe zvakanaka nehutumgamiri hweZifa hwakasiyana-siyana hwanga huchitungamira nhabvu yemunyika.

Muna 2012, vatambi veMighty Warriors vaidyiswa sadza nematemba masikati nemanheru apo vaive mukamba vachigadzirira kuenda kumakundano e2012 Olympic Games kuRio de Janeiro, Brazil.

Vadzoka kubva kumakundano aya, vatambi vechikwata ichi vakapihwa mari inoita iyo madhora mashanu chete pamunhu ekudzokeresa kumba.

Kune vamwe, mari iyi yaive isingakwane kudzokera kumba kwacho.

Izvi zvakasiyana zvikuru nemabatirwo aiitwa chikwata chevanhurume icho chaigariswa mumahotera makuru pamwe nekupihwa mari inoverengeka kana chatamba kana kukunda.

Chikwata cheMighty Warriors chichasangana zvekare neAngola pamutambo wepamusha muPretoria, South Africa, musi wa 29 Kurume.

Chikwata ichi chiri kutambira kuSouth Africa nekuti Zimbabwe haina nhandare yakakodzera kutambirwa nhabvu nevekune dzimwe nyika uyezve nhandare yeNational Sports Stadium iri kunonoka kupera kugadziriswa.

Mutsigiri mukuru wezvikwata zvenyika, VaChris Romario Musekiwa, vanoti National Sports stadium inofanirwa kugadziriswa nechimbi-chimbi nekuti hazvina chiremerera kutambira mitambo yepamusha kune dzimwe nyika.

"Nhandare ngaipere, mabhora titambire magames edu pamusha. Hatifanire kutamba neSouth Africa muOrlando Stadium as muNational Sports Stadium," vanodaro VaMusekiwa.

Kunyange hazvo VaMagwizi vaive vati vachaita nepese pavanogona kuti gadziriso yeNational Stadium ipere kutanga kwaKurume, izvi zviri kuratidza kuti hazvikwanisike.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG