Vashandi vehurumende vanoshandira kumaruwa vanoti havasi kufara nenzvimbo dzavanoshandira, zvivakwa zvavanoshandira, pavanogara pamwe nemidziyo yavanoshandisa.
Vashandi vakawanda vehurumende ava vanoti kushaya zvikwanisiro zvekushandisa kunoita kuti vasaite basa ravo nemazvo.
Mumwe mukoti wepakiriniki yekuMakonde mudunhu reMashonaland West asina kuda kuzivikanwa nezita sezvo asinga bvumidzwe kutaura nevatori venhau anoti zvakaoma kushanda pasina mishonga yakakwana. Mukoti uyu anoti, “Tiri kushanda zvedu asi zvakaoma nekuti hapana mishonga yekupa varwere, zvinorwadza kuona vanhu vachifa nepamusana pekushaya mishonga mumakiriniki ari munharaunda dzavo.”
Mumwe mudzidzisi wekuMberengwa mudunhu reMasvingo, VaPeter Machenjere, vanoti dzimba dzavanogara hadzina kupfirirwa zvakanaka zvekuti nguva ino yekunaya mvura inopinda mumba uye muzvikoro hamuna zvikwanisiro zvakaita semachoko nemabhuku
VaMachenjere vanoti kushaikwa kwe zvikwanisiro kunoita kuti vana vanodzidza vekumaruwa vakundikane zvakanyanya mmuzvidzidzo zvavo kana zvichienzaniswa nevanodzidza kumadhorobha nemaguta. Vanoti , “Matambudziko akawanda asi nyaya yepekugara nezvikwanisiro ndidzo dziri pamberi”.
Mumwe mudhumeni wekuHurungwe mudunhu reMashonaland West ati anoda kuzivikanwa nezita rekuti Bimha anoti vane dambudziko repekugara zvekuti vamwe vavo vave kutogara kudhorobha vachienda kwavanoshandira zuva rega rega zvavanoti hazvina kunaka sezvo vachipedza nguva yakawanda vachifamba kuenda nekudzoka kubasa.
Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti kutoendeswa kunoshanda kumaruwa kwevadzidzisi kunotorwa sekuranga sezvo magariro nemashandiro acho akaoma zvikuru.
VaMasaraure vanoti vadzidzisi vanofamba nzendo huru kunokwira michovha kuenda kudhorobha riri pedyo uye makiriniki haana mishonga uye dzidzo yakanaka panenge pasina zvekuti havatodi kuti vana vavo vadzidze pavanenge vachidzidzisa.
VaMasaraure vanoti hurumende inofanirwa kupa imwe mari yepamusoro kuvadzidzisi vekumaruwa kuitira kuti vakawanda vade kuenda kunoshandira kumaruwa.
Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vanoti vadzidzisi vekumaruwa vane matambudziko epekugara uye nzvimbo dzavanoshandira hadzina magetsi nemvura.
Mutauriri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi reZimbabwe Teachers Association, VaGodwill Taderera, vanoti mabhuku ekuti varairidzi vashandise hakuna zvinoita kuti vana vanopasa vave vashoma zvakanyanya kumaruwa sezvinoratidzwa nezvinobuda pabvunzo makore ose.
Munyori mubazi riri muhofisi yemutungamiri wenyika rinoona nezve budiriro yematunhu kana kuti Secretary of Presidential Affairs and Devolution, VaTafadzwa Muguti, vanoti hurumende iri kukurudzira makanzuru kuti vagadzirise zvikoro nemakiriniki kubva pamari dzebudiriro kana kuti Devolution Funds dzinobva kuhurumende.
Kunyange zvikoro nemakiriniki zvakasaririra kumaruva bazi rinoona nezvekuverengwa kwevanhu rinoti vanhu vakawanda vanosvika zvikamu makumi matanhatu nezvisere kubva muzana, vanogara kumaruwa.
Forum