Accessibility links

Breaking News

Tsika yeKushongedza Dzimba Dzakavakwa neDhaka Yotekeshera muNyika


 Dzimba dzakavakwa nemapango nemadhaka ku Chinhoyi
Dzimba dzakavakwa nemapango nemadhaka ku Chinhoyi

Tsika yekudzurwa kwedzimba dzakavakwa nemapango nemadhaka dzichinyorwa zvidavado zvakasiyana siyana inonzi yave kuita ichipera nekuda kwekushanduka kuri kuita tsika nemagariro.

Asi vakawanda vanokurudzirwa kuramba vachichengetedza tsika dzechinyakare munharaunda dzavagere.

Tsika yekunakurudza dzimba dzichinyorwa zvakasiyana siyana zvichienderana netsika nemagariro evanhu vemunharaunda inoitwa nemarudzi akasiyana siyana uye zvidavado zvacho zvinotaura tsika nemagariro evanhu vemunzvimbo idzi nekusiyana kwadzo munyika.

Mugari wekumaruwa ekuTichadya mudunhu reChikombedzi, Amai Mazhata, vanoti muchiShona kudzura dzimba kwakakosha zvikuru.

Vanoti madzimai akawanda mudunhu ravo vachiri kuita izvi asi zvave zvishoma nekuda kwedzimba dzechizvinozvino dzave kuvakwa kumaruwa asi vakati izvi hazvireve kuti vave kusiya chinyakare chavo.

Amai Mazhata vati, “Tichirikudzura dzimba dzedu kuno kumaruzevha kwatigere asi zvave zvishoma nekuda kwemhando dzedzimba dzave kuvakwa dzechizvinozvino asi nokudaro hazvireve kuti tirikurasa chinyakare chedu.”

Mukuru wesangano reCentre for Cultural Development Initiatives kuChiredzi uye vari nhengo yebhodhi reNational Arts Council of Zimbabwe, VaHebert Pikela, vanotsanangura zvakakoshera kudzurwa kwedzimba kurudzi rwechiTsonga rwunowanikwa mudunhu reChiredzi.

VaPikela vati, "Tikatarisa vanhu vechiTsonga tinoona kuti vanoratidza tsika dzavo nenzira yekupenda."

Vanhu vanozivikanwa nerudo saka tinoona vachipenda zvidavado zvakaita semoyo uye Chevron Pattern inopendwawo padzimba dzana baba kuratidza kuti ndivo vanodzivirira misha yavo" VaPikela vanotsanangura.

Vanoongorora nezvemitambo, tsika nemagariro vakazvimirira vachidzidzisawo zvemitambo paMidlands State University, VaAbel Dzobo, vanoti kupenda dzimba kubvira makare kare kwaibatsira marudzi ose kuchengetedza chinyakare chavo vakati zvinorwadza kuti tsika iyi yave kumedzwa nehupenyu hwechizvinozvino.

“Zvinyorwa nezvidavado zvaiitwa padzimba dzedu zvaitibatsira kuchengetedza tsika dzedu nehunhu hwedu uye zvinyorwa zvedu zvairatidza kuti tiri vanhu vaifunga saka zvinorwadza zvikuru kuti zvese izvi zvave kuita zvichikanganwika” VaDzobo vanopa pfungwa yavo.

Vachipa pfungwa dzavo zvekare pakusimbaradza chinyakare netsika yekudzurwa kwedzimba iyi, VaDzobo vanoti zvakakosha kuti nzvimbo dzinochengetedza tsika nemagariro edu kana kuti ma cultural villages dzivandudzwe senzira yekuchengetedza nhoroondo.

“Nzvimbo idzi dzakanaka nekuti dzinoramba dzichitirangaridza pamusoro petsika dzedu nemagariro edu sezvo vanhu vave kuchinja mararamiro avo”

Mushandi mukuru muhofisi inoona nezvebudiriro yezvemitambo mubazi rezvemitambo, tsika nemagariro, Dr Biggie Samwanda, vanoti tsika yekudzura yaishongedza misha uye kuchengetedza zvivakwa zvavo vakati itsika inofanirwa kuramba icherechedzwa. Vati, “Nzira yekudzura dzimba yaiitwa nevanhu vatema kurikushongedza uye ivhu nendove zvaishandiswa zvaishongedza uye ndove yaichengetedza imba uye kuuraya zvipukanana zvakaita sehutunga." Vaenderera mberi vachiti, "Saka tsika iyi yakakosha zvikuru inofanirwa kuchengetedzwa” mashoko aDr Samwanda.

Micherechedzo inowanzoburitswa pakudzurwa kwedzimba inosanganisira moyo, chidavado cheChevron Pattern kana mhuka.

Kudzurwa kwedzimba uku kunoshandiswawo kunzvimbo dzakasiyana siyana munyika senzira yekukwezva vashanyi vekunze nemuno.

Nzvimbo zhinji kunyanya dzinochengetwa mhuka dzesango dzakaita seGonarezhou dzinoshanyirwa nevanhu vakawanda avo vanofarirawo kushanyira misha inochengetedzwa chinyakare kana kuti ma cultural villages vachiwona zvidavado zvekudzurwa kwedzimba idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG