Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kurudziro yebhanga rinokweretesa mari pasi rose, reWorld Bank, yekuti Zimbabwe iramba iine hurongwa hwekudzikamisa hupfumi huripo pari zvino haina chikuru chainobatsira nacho veruzhinji, avo vanonzi vari kunonga svosve nemuromo.
Nyanzvi mune zvehupfumi vari mukuru wekambani yeUnderhill Corporate Solutions, Doctor Eddie Mahembe, vanoti hongu, kurudziro yeWorld Bank iyi inoita sekunge yakanaka, asi ine zviviri kana zvitatu zvainokanganisa nazvo raramo yeveruzhinji munyika.
"Chokutanga, yavanoti tight monetary policy kureva kuti kusunga homwe. Kusunga homwe uku tinogona kubvunza kuti at what cost? Tasunga homwe vana havasi kuenda kuchikoro zvakanaka. Tasunga homwe migwagwa haisi kugadzirwa. tasunga homwe kuzvipatara hakuna mishonga, vamwe vanoiswa makadhibhokisi vachikona kuti vanhu varapwe zvakanaka. Yes, tosunga homwe. Asi vanhu vangani vari kufa takasunga homwe?"
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDeVry University kuOhio muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanotiwo zviri kukurudzirwa neWorld Bank zvinogona kuonekwa sekunge ndizvo zviri kuitika kuhupfumi hwenyika, asi zvisina zvazviri kubatsira nazvo vana veZimbabwe.
"Ngatinge tichitarisa isu kuti munhuwo zvake uri kusimudzwa zvakaita sei neupfumi hwenyika, yatingati human development factor. Kana takaona isu kuti varombo vari kunyanya kuramba vachiita varombo, vapfumi vachiwedzera kuita vapfumi, handioni kuti upfumi hwenyika yakaita saiyoyo hungange huchipembedzwa."
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reAfrica Centre for Economic Justice, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanotiwo zviri kukurudzirwa neWorld Bank kuti nyika iite zvinopesana nezviri kukurudzirwa pamwe nekuitwa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.
Muzvare Mutambasere vanoti kunyange mari dzinoberekwa nezvikwereti dzakakwidziridzwa zvakanyanya zvekuti veruzhinji havasi kukwanisa kunokwereta mari kumabhanga, vanhu vachiri kungowana zvikwereti nerweseri kuburikidza nechirongwa cheR-B-Z chinonzi Targeted Finance Facility.
Vanoti zvakare hurumende pamwe neR-B-Z vanofanirwa kuunza dzikamiso yakasimba kumari yenyika yeZiG, vachiti vezvitoro vakawanda vachiri kumhanyira dhora rekuAmerica vachisiya mari yemunyika iyi.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna gavhuna veRBZ, Doctor John Mushayavanhu pamusoro pegwaro iri.
Asi chipangamazano chebhanga guru renyika, VaPersistence Gwanyanya, vanogara zvavo vachitaura kuti zvinhu zvingaita sezviri kuomera veruzhinji, asi nyika ichasvika chete kuKenani kana zvirongwa zviri kuiswa zvekudzikamisa hupfumi zvakafambiswa nemazvo.
Svondo rapera World Bank yakaburitsa gwaro remamiriro ehupfumi hwenyika, iro rinokurudzira zvakawanda zvinosanganisira kusadhinda mari yakawanda, kusashandiswa kwemari yakawanda kudarika iri muhomwe mayo senzira yekuti hupfumi hwenyika hurambe hwakagadzikana.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakazivisawo svondo rino kuti nyika ichamboramba ichishandisa mari dzakawanda senzira yekuchengetedza kugadzikana kuri muhupfumi pari zvino.
Sangano revemabhizimusi, reConfederation of Zimbabwe Industries, rinonzi nebepanhau reHerald riri kufadzwawo nematanho ari kutorwa neReserve Bank of Zimbabwe ekudzikamisa hupfumi hwenyika pamwe nekudzikamisa huremu hwemari yenyika yeZiG kana ichienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Asi vamwe vemabhizimusi pamwe nevamwe vanoongorora zvehupfumi vanoti matanho ari kutorwa nebhanga guru renyika aya ari kuomesera vemabhizimusi sezvo vari kumanikidzwa kutenga zvinhu nemari yekuAmerica asi vachinzi vatengese zvinhu izvi nemari yemunyika.
Forum