Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotsvaga Mari Yekurwisa Dambudziko reZvirwere Zvave Kuramba Kudavira Mushonga


Hurumende yeZimbabwe inoti iri kuda mari inosvika mamiriyoni makumi mana nemashanu emadhora ekuAmerica (US$45mill) kuti ikwanise kurwisana nedambudziko rekusadaira mishonga mumiviri yevanhu pamwe nezvipfuto.

Izvi zvaziviswa negurukota rinoona nezvehutano, Dr. Douglas Mombeshora, pakuparurwa kwehurongwa hwepiri hwekupedza dambudziko iri, hweAntimicrobial Resistance (AMR) National Action Plan 2.), nhasi muHarare.

VaMombeshora vati, “Mugore ra2019, vanhu vanodarika zviuru gumi nezvishanu, vakafa nekuti miviri yavo yainge isisadaviri mishonga yavainwa." Vaenderera mberi vachiti, "Zviuru nezviuru zvezvipfuwo zvakafawo. Nhau yekuti hutachiona hunokurira mishonga simba inobva pakushandisa mishonga isiri iyo, kana kuti kushandisa mishonga iyi nenzira isiri iyo. Tiri kukumbirawo rubatsiro kubva kushamwari dzedu dzemasangano anoshanda akazvimirira, uyewo kubva kuhurumende dzedzimwe nyika.”

VaMombeshora, avo vaparura hwaro hwekurwisana nedambudziko rekusashanda kwemishonga muvanhu nemuzvipfuyo uhwu, vatiwo chitsvambe chiri kumunhu wese zvake kuti mishonga inowaniswa varwere, ishandiswe zvainotarisirwa kuita.

Vavimbisawo kuti hurumende ichaedza nepainogona napo kutsvaga mari yekutenga michina inoshandiswa mukuongorora hutachiona; kuvaka zvivakwa zvakakodzerana nebasa iri; uyewo nekuti kuitwe wongororo dzakadzama padambudziko iri.

Hurumende yeBritain, yapa Zimbabwe rwumwe rubatsiro rwekurwisa dambudziko iri kubudikidza nehomwe yeFleming Fund, nemari inosvika 2.8million pounds.

Mutevedzeri wemumiriri wenyika yeBritain muZimbabwe, Amai Jo Abbot vati hurumende yavo inonzwisisa matambudziko akatarisana nenyika.

Vati, “Tinoziva kuti dambudziko rekusarapika kwezvimwe zvirwere nenyaya yekuti zvinenge zvakomba, harisi muZimbabwe chete, asi ririko pasi rese."

Vati, "Chishuwo chedu kuti Zimbabwe pairi kusangana nematambudziko akadai, ikwanise kumakunda. Tinozviziva kuti mari yega haikwani kuti donzvo rehurumende yeZimbabwe rizadzikiswe, ndizvo tiri kuti tichabatsirawo nedzimwe nzira dzakanakira nyika dzedu dziri mbiri.”

Nyanzvi dzinoongorora hutachiona hunokonzeresa zvirwere, dzinoti kusadavira mishonga kunogona kuitwa nemunhu ari kurwara, kunogona kukonzereswa nekuti hutachiona hunenge hwakomba, hwava kuda mishonga yakapamhidzwa kusimba; kana kuti mushonga unenge wapiwa munhu unenge usiri iwo; kanawo kuti unenge uchimwiwa nenzira isiri iyo.


VaMakomborero Mafukidze, nyanzvi inoshanda nezvipfuyo, uye vari mudzidzi paChinhoyi University of Technology, vanoti panoda mitemo yakati tsvikiti kuti mishonga yezvipfuro kana kuti Antibiotics ishandiswe zvine mwero.

VaMukidze, “Zvimwechete nezviri muvanhu, mishonga iyi haifaniri kungotengeswa nyore, asi munhu anoida anofanira kunge aine mapepa anenge abva kunaana chiremba vezvipfuwo."

Vatizve, "Kungotengesera vanhu mishonga iyi nekuda kwekuti anenge angotaura marwariro ari kuita chipfuyo chake, kunozoita kuti dzimwe nguva atengeserwe mushonga usiri iwo.”

Nyanzvi mune zvehutano hwevanhu, uye vari mukuru wesangano reLife Empowerment Support Organization, Muzvare Olive Mtabeni, vanoti hurumende inofanira kuva nedzimwe nzira dzekutsigira zvirongwa zvehutano nemari, pane kungomirira kupiwa rubatsiro.

Muzvare Matabeni vaudza Studio 7 kuti, “Kutaura kuno, vanhu vanorarama nehutachiona hweHIV vari kungofungawo kuti zvichida mapiritsi avanonwa achatanga kushaika, nekuda kwekuti sangano guru raitsigira kuwaniswa kwavo mishonga iyi, reUSAID, rakambomisa zvirongwa zvayo."

Vaenderera mberi vachiti, "Tinofanira kunge tiine mafekitori edu anogadzira mimwe mishonga iyi. Nyika yedu inewo hupfumi hwakawanda hunokwanisa kutsigira zvirongwa zvehutano.”


Sangano reWorld Health Organization, iro ranga riripowo pamusangano wanhasi rinoti kana dambudziko rekusadavira kwemishonga muvanhu rikasagadzirwa, panosvika gore ra2050, vanhu mamiriyoni gumi vanenge vave kufa pagore, uye nyika dzepasi rese dzicharasikirwa nemari inosvika madhora ekuAmerica 10 trillion.

Vanhu vemuZimbabwe vakurudzirwawo kuti vasangonwa maAntibiotics vasina kunzi vanwe naana chiremba, uyewo kuti vaanwe vachitevedzera zvavanenge vaudzwa navanachiremba kuitira kuti masoja emiviri yavo arambe achikwanisa kurwisana nehutachiona.

Sangano reWorld Food Program rapindawo musangano wanhasi, richiti richatsigira Zimbabwe murwendo urwu, kuitira kuti nyika isarasikirwa nezvipfuyo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG