Accessibility links

Breaking News

Kunyange VaMnangagwa Vari Kuti Vachanozorora Panopera 2028, Vamwe muZanu PF Vari Kutsika Madziro Vachiti Hakuna Kwavanoenda


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kuramba vakamira nerekuti vachasiya chigaro muna 2028.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kuramba vakamira nerekuti vachasiya chigaro muna 2028.

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa svondo rino vakadzokorora zvakare mashoko avo ekuti vachasiya chigaro panopera temu yavo yepiri muna 2028 sezvakatarwa nebumbiro remitemo yenyika kwotsvagwa mumwe achatungamira nyika nebato reZanu PF, vari kuvakurudzira kuti varambe vari pachigaro vatowedzera ruzha vachiti VaMnangagwa ndivo chete munhu achatonga kusvika 2030.

Vari kurwira kuti VaMnangagwa varambe vari panyanga ava vanoti vatori venhau vari kubvunza munhu asiri iye kuti oramba here ari pachigaro, vachiti vanhu vanofanirwa kubvunzwa inhengo dzebato reZanu PF, idzo dzakavaisa pavari nhasi.

Mumwe wevari kuvakurudzira kuti varambe vari panyanga, VaSnowball Tongogara, vanoti nhengo dzeZanu PF dzicharamba dzichinyengetedza VaMnangagwa kuti varambe vachitungamira.

Asi ivo mutungamiri wenyika vakaudza vapepeti venhau neMuvhuro svondo rino kuti vachanyengetedzawo vari kuvanyengetedza kuti vasavanyengetedze kuti varambe vari panyanga.

Asi VaMalcolm Michaels vanove mumwe wevari kupokana nehurongwa hwa2030, vari kutiwo vakawanda muZanu PF nenyika yose vachamira neshoko remutungamiri wenyika rekuti vachaenda pamudyandigere kana nguva yavo yakwana.

Nhengo dzeZanu PF dziri kuda kuti VaMnangagwa varambe vari pachigaro dziri kutiwo dzichaita zvose zvadzinogona kuona kuti bumbiro remitemo ravandudzwa kuitira kuti varambe vari panyanga, zvekuti vatove nema slogan ari kupembedza vaMnangagwa.

Asi vari kupokana vanoti vari kutaurisa pakuti VaMnangagwa vasaenda pamudyandigere vanhu vari kuguta nehuwori vachishandisa zita remutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG