Apo mitengo yezvinhu iri kunzi iri kukwira, vashandi vakawanda munyika vanoti yave nguva yekuti vashandirwi vatarise zvakare mihoro yavo sezvo vasisakwanisa kurarama nemari dzavari kutambira.
Nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika uku, izvi zvatuma rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, kuti rinyorere kugurukota rezvevashandi nemabasa, VaEdgar Moyo, richikurudzira kuti paitwe nharurirano dzemihoro yevashandi vehurumende nekukasika.
Mutsamba iyi, PTUZ innoti iri kushushikana zvikuru nemararamiro ave kuita vashandi vehurumende vakawanda, zvikuru nhengo dzayo.
Munyori wesangano iri, VaRaymond Majongwe, vanoti kana vanhu vachienda kubasa zvakakosha kuti vatambiriswe mihoro inovakwanira kuti vararame.
“Saka tiri kuti, aiwazve vakomana, kana muri kutungamirira nyika muchigona kuti nyika inovakwa nevene vayo, inonamatirwa nevene vayo, mari yacho ichidyiwa nevene vayo, ko sei yakungopinda mumiromo mimwechete sekunonzi ndoine mazino, kwedu uku kune huro dzisina mazino? Ngavangoitawo kuti murairidzi, musoja, mapurisa, akwanisewo kurarama. Zvinorwadza zvokwadi kuti unoona mumwe munhu achifamba achidhoneta mota sekunhi ari kudhoneta zvinhu zvidikidiki,” VaMajongwe vanodaro.
VaMajongwe vanoti zvinozivikanwa kuti Zimbabwe ine hupfumi hwakawandisa hunokwanira munhu wese, asi dambudziko rangoitika chete nderekuti kune vanhu vari kukamira mukaka wenyika mumiromo yavo chete.
Mutungamiri werimwe sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti nyaya yekuwedzera vashandi mihoro haisi nyaya inganzi inoda nhaurirano sezvo hurumende iri kuzviziva nechakare kuti vashandi vayo vari kunonga svosve nemuromo.
Munyori mukuru wemumwe mubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaDavid Dzatsunga, vanotiwo zvataurwa nePTUZ ndizvo zvimwechete nezvavari kukurudzirawo, vachiti vakatonyorerawo kuhurumende vachikurudzira kuti nhaurirano dzemihoro dzekotoro yekutanga yegore dzichitanga.
Asi hurumende, iyo yagara ichichema kuti haisi kuwana mari yakawanda iri kupinda muhomwe dzayo, inokwanisa here kuzadzisa zviri kudiwa nevashandi vayo izvi?
Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti hongu zviri kuonekwa kuti hupfumi hwenyika hahuna kufamba zvakanaka gore rapera, asi vanotarisira kuti mukana wekuti pave nekutseketudzwa kwemihoro yevashandi uripo.
“But ma adjustment anenge akufanira kuuenderana nemafambiro anenge achiita hupfumi hwenyika. Nyaya dze productivity, nyaya dze economic growth, dzinofanira kugaidha ma wage negotiations. Of course wo nyaya dze inflation dzinofanirwa kutariswa, but panofanira kuve neyatinoti paChirungu integrative approach kunyaya dze collective bargaining,” vanotsanangura Doctor Chitambara.
Hatina kukwanisa kubata VaMoyo kuti tinzwe pamire hurumende panyanya iyi.
Asi vashandi vehurumende vagara zvavo vachipomera hurumende mhosva yekungovapa mihoro yainofunga pasina kutanga pawiriranwa kuti yakasvika sei pazvikamu zvainovapa izvozvo.
Vashandi vanoti gore rapera havana kupiwa mukana wenhaurirano dzemihoro dzechikamu chekutanga kwegore, uye hurumende yakangoita zvakare madiro aJojina muzvikamu zvetatu nechina payakazovawedzera mihoro.
Mushandi wepasi muhurumende anonzi ari kutambira muhoro unoita madhora mazana matatu nemakumi matanhatu ekuAmerica pamwedzi asi anozohora yave mazana maviri nemakumi mana imwe vachizoipiwa yave mumadhora ekuAmerica.
Forum