Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaPhil Sithole, avo vanozivikanwa zvakanyanya nezita rekuti 'Doctor Phil.'
Doctor Phil vari muGaborone kuBotswana uko vakatanga kambani yavo, WINNING PILLAR INVESTMENTS, iyo inoita zvekudzidzisa vanhu kuti vangabata mari dzavo zvakanaka sei, uye vanoitawo zvema insurance nezvimwe zvakawanda.
Vanoti basa ravari kuita iri vakaritanga vachiri kuZimbabwe asi vakazorivandudza vachipinda mune zvimwe zvavave kuita vave muBotswana.
Doctor Phil vanoti havana matambudziko avati vasangana nawo mukuita basa ravo kana mukutanga kwavakaita kambani muBotswana vachiti Botswana inyika yakasununguka zvikuru kushandira kana munhu achingotevedzera mitemo yenyika iyi nekuziva mabasa akachengeterwa zvizvarwa zvenyika iyi.
VaSithole, avo vanobva kuChipinge, vanoti vakaberekerwa kuMozambique asi vabereki vavo vakazotama mugore ra 1978 munguva yehondo vachipinda muZimbabwe umo vakazokurira.
Vakazoenda kuBotswana nemhuri yavo vachinotsvaga mafuro manyoro.
Vanoti mune remangwana vane tarisiro yekuti vatangewo zvirongwa zvekusimudzira nharaunda dzavagere kwakare kuBotswana nekumusha kuZimbabwe uye nekukudza kambani yavo kuitira kuti ikwanise kuzopinzawo mabasa zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda.
VaSithole vanoti vakasununguka zvakanyanya kubatsira chero munhu anoda rubatsiro.
Vanoti vanoda kuvabata vanokwanisa kuvawana panhamba dzavo dzenharembozha dzinoti +267 71 655 655, kana kushanyira mahofisi avo ari pa Unit 148, Office 19, Molapo Crossing, Gaborone.
Forum