Accessibility links

Breaking News

VaTrump Votarisirwa Kusangana naVaZelensky Mangwana


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kutarisirwa mangwana kuita musangano nemutungamiri wenyika yeUkraine vaVolodymyr Zelensky kumuzinda wavo weWhite House muWashington DC.

VaTrump vanoti vari kuda kuti vanyorerana chibvumirano neUkraine chekuti vapihwe zviwanikwa zvemunyika iyi semuripo wekubatsira kwavakaita nezvombo muhondo pakati penyika iyi neRussia.

VaZelenskyy vanoda kuti America izvipirewo kuti ichabatsira mukudzivirirwa kwenyika yavo uyue kuti vatenerwe kupinda mumubatanidzwa wenyika wekuzvidziviririra wenato.

Asi VaTrump vari kuramba izvi vachiti zvekuti nyika iyi ive nhengo yesangano renato ndizvo zviri kukonzera hondo. Vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika vachishanda nesangano Concerned Citizens Zimbabwe VaTim Muringai vaudza Studio 7 kuti vanoona sekuti VaTrump vanobudirira nekuti vanogona kutaura zvinenge zvine kuvhundutsira makati.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG