America yatemera zvirango vanhu vaviri pamwe nemakambani maviri vane chekuita nemhirizhonga nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kumabvazuva kweDemocratic Republic of Congo, kana kuti DRC.
Pakati pevakatemerwa zvirango nehofisi iri pasi pebazi rezvemari yeOffice of Foreign Assets Control, kana kuti OFAC, ndiJames Kabarebe, gurukota rinoona nekuzvekudyidzana nedzimwe nyika muRwanda. Kabarebe ndiye mbambo yekutsigira kweRwanda March 23 Movement, kana kuti M23, iyo yakatarwa neAmerica neUnited Nations sechikwata chevapanduki chatora nzvimbo dzakawanda kumabvazuva kweDRC uye chine chekuita nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.
OFAC yakatemerawo zvirango kuna Lawrence Kanyuka Kingston, nhengo yeM23 neCongo River Alliance ane chigaro chikuru ari mutauriri, pamwechete nemakambani maviri aKanyuka anoti Kingston Fresh neKingston Holding.
Kubva pakati paZvita, chikwata chiri kutsigirwa neRwanda ichi chavedzera kukura kwenzvimbo dziri pasi pacho mudunhu reDRC, chichitora Goma, guta guru redunhu reNorth Kivu musi wa Ndira 27 neguta guru redunhu reSouth Kivu reBukavu musi waKukadzi 16.
Kurwisa pasina kudenhwa uku kwakanganisa kugadzikana kwedunhu reDRC iri. Nerutsigiro rweRwanda, kwakanganisawo, kukuvadza, kuuraya, nekutamisa zviuru zvevanhuwo zvavo vasina mhaka kubva mumisaha yavo, kuurayisa mauto matatu eUnited Nationa anochengetedza runyararo nekukuvadzisa vamwe vane chitsama. OFAC yakayambira kuti mhirizhonga iyi inogona kuwedzera ichikura kuve mhirizhonga yedunhu rose.
Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvemari vachiona nezvekudzivirirwa kwehugandanda nekufambiswa kwemari zviri kunze kwemutemo VaBradley Smith vakati America inoda “kuranga vakuru vakuru nevatungamiri vakaita saKabarebe naKanyuka, avo vari kubatsira kuti mauto eRwanda neM23 vaite mabasa anokonzera kusagadzikana kumabvazuva kweDRC.”
Zvirango izvi zvinotsinhira kurudziro yekuti Rwanda idzokere kunhaurirano dzinotungamirirwa neAngola dzeLuanda Process kuitira kuti pawanikwe nzira dzinopedza kusawirirana kuri kumabvazuva kweDRC.
America inokurudzira vatungamiri veRwanda kuti vamire kutsigira kwavo M23 nekuburitsa mauto eRwanda ose kubva mudunhu reDRC. Mugwaro ravakaburitsa, mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaTammy Bruce vakati, “Tinokurudzira Rwanda kuti iremekedze kuzvitonga kweDRC nenharaunda dzayo.”
Vakawedzera vachiti, “Tinokurudzirawo hurumende dzeRwanda neDRC kuti dzitorere matanho avo vane chekuita nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.” Vakati, “Kuenderera mberi kwemhirizhonga kunodzorera shure budiriro mune zvehupfumi nekutadzisa mabhizimusi emuAmerica kudyara mari muRwanda neDRC – zvinozokonzera kurasikirwa kwedunhu pamwechete nezvizvarwa zveAmerica.”
Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica.
Forum