Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vakwira Kudare rePamusoro Soro Kunopikisa Mutongo weKuti Hutungamiri Hwavo Hausi paMutemo


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaDouglas Mwonzora vanoti vari kupikisa mutongo wedare repamusoro reHigh Court wakaturwa nemusi weChishanu wekuti kusarudzwa kwavakaita semutungamiri webato iri muna 2022 kwainge kusiri pamutemo.


Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo muHarare nhasi mangwanani, VaMwonzora vapumha bato reZanu-PF huroyi vachiti ndiro riri kuda kukonzera nyonga nyonga mubato ravo, vachiti vatoenda kudare repamusoro reSupreme Court nechikumbiro chekuti mutongo wakapihwa nedare reHigh Court uyu uraswe.

Dare repamusoro rakati VaMwonzora vakatyora bumbiro remitemo yebato nekuzoita musangano mukuru weCongress muna Zvita 2022, nguva yainge yaturwa nedare yatodarika. VaMwonzora vati, “Tinozviziva kuti pese patinomirira chokwadi, tinorangwa nenzira dzakasiyana."

Vaenderera mberi vachiti, "Muchayeuka kuti pakaitwa chirongwa chekuisa miganhu yematunhu neZEC, isu takaramba gwaro iri, tikazoona vanhu vedu makumi masere nevanomwe, vachirambidzwa kukwikwidza musarudzo dza2023. Ikozvino tiri kuti hazvigoni kutyi VaMnangagwa vatonge kusvika 2030, hezvo matare ava nesu. Asi hatiregi kumira pachokwadi.”

Asi mukuru muhofisi inoona nezvekubuditswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti bato ravo riri kuzorwa mafuta enguruve yarisina kudya.
“Tese tinozviziva kuti mamwe mapato kana achida kunzwika zvaanotaura, anoda kutanga ataura pamusoro peZanu PF."

Vaenderera mbweri vachiti, "Mashoko aVaMwonzora haana kana nemusoro wese. Ivo nebato ravo havana chavari kumboitira vanhu, basa ravo kungoda kurwisana nesu."

Asi kunyange zvakadaro, Zanu PF ibato rinoremekedza bumbiro remitemo, naizvozvo, haripindiri munyaya dzekumatare.”

Vakamboita sachigaro weMDC vasati vadzingwa pachigaro ichi naVaMwonzora muna 2023, VaMorgen Komichi, vati vanofara chose nezvakabuda kudare reHigh Court. VaKomichi vati, “Musangano wemuna2022 waive usina kana chinhu chaiyemurika nekuti wakaitwa nematsotsi aida kubira pasarudzo."

Vatiwo, "Dare razongotsinhira zvataitaura kuti Congress haina kuitwa nemazvo." Vatizve, "Ndinoda kuvimba kuti zvichapa mukana wekuti MDC idzoke kuva bato guru rinorwira kodzero dzevanhu. Dai nhengo dzese dzebato iri dzadzoka, tigoumba bato redu zvekare.”

Mumiriri weMDC mudunhu reAmerica, VaDen Moyo, vaudzawo Studio 7 kuti vari kutarisira kuti mumwedzi mitanhatu iri kutevera, kuchaitwa musangano wekusarudza hutungamiri hweMDC sekutaurwa kwazvakaitwa neHigh Court.
“Zvaita zvakanaka nekuti musangano wedu wadzoka." Vatiwo, "Tinofanira kutanga kutoita maCongress edu kubva kumaWard, kusvika taita huru yadzo yenyika yose. Vese vaiti mapato anopikisa aparara muZimbawe, ndinoda kukuvimbisai kuti MDC yadzoka. Ngatibatsiranei tibvise Zanu PF pahutongi, nokuti ndiro jana redu guru iri.”

Taedzawo kunzwa divi raVaElias Mudzuri avo vakadzingwawo mubato reMDC naVaMwonzora muna 2023, asi nharembozha yavo yanga isiri kupinda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG