Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump mangwana (Chipiri) vari kutarisirwa kutura mashoko emamiriro akaita zvinhu munyika yavo kana kuti State of the Nation Address - SONA.
VaTrump vachatura mashoko aya mudare reparamende reUS Capitol muWashington DC.
Aka ndekechishanu vatrump vachitura mashoko pamberi pematare maviri akabata anoti reHouse of Representatives neSeneti.
Kubato rinopikisa remaDemocrats, seneta Elissa Slotkin vaimbova musori weCIA ndivo vachapawo divi rebato ravo kupindura zvinenge zvataurwa naVaTrump.
Nyanzvi munyaya dzezve hupfumi uye vari Muzvinafundo paDevry University VaElliot Masocha vaudza Studio 7 kuti vanhu vanoda kunzwisisa negwara riri kuendeswa nyika naVaTrump.
Forum