Magweta emutori wenhau weAlpha Media Holdings, Blessed Mhlanga, ati ari kugadzira mapepa ekuti akwire kudare reHigh Court achipikisa danho redare ramejasitiriti neChishanu chadarika rekunyima Mhlanga mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achibva kumba.
Rimwe remagweta ake, VaChris Mhike, vaudza Studio 7 kuti vangomirira kuti vawane magwaro anotsanangura zvakaitika mudare neChishanu chapfuura kuitira kuti vaabatanidze nemagwaro avo kudare reHigh Court.
Ukuwo, dare ramejasitiriti kuPlumtree rinonzi rakundikana kunzwa chikumbiro chenhengo yevechidiki yebato rinopikisa reMthwakazi Republic Party (MRP), VaMkhululi Jele, chekuti mhosva yavari kupomerwa yekuita zvemusarinya iraswe.
Mutongi wedare akanga achifanirwa kunzwa nyaya iyi, Amai Aelene Munamati, vanonzi vati varwara, izvo zvaita kuti nyaya iyi iendeswe mberi kumusi weChitatu svondo rino.
Mune imwezve yanga iri kumatare edzimhosva, varwiri vekodzero dzevanhu vanosanganisira munyori weAmalagamated Rural teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaRobson Chere, Muzvare Namatai Kwekweza, VaSamuel Gwenzi, VaEmmanuel Sitima, nevamwe, vanga vari mudare zvakare pamhosva yavari kupomerwa yekuita zvemusarinya.
Nyaya yavo haina zvakare kupera munzwikwa sezvo vanzi vagodzoka zvakare kudare neChipiri.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandewere, avo vanga vachitaura vakazvimirira, vati bumbiro remitemo rinopa munhu wese anosungwa kodzero yekumiswa pamberi pematare edzimhosva paine nguva yakatarwa, vachiti kana akanzi amboramba ari muhusungwa nyaya yake ichitongwa anofanirwa kuenda kudare mukati memazuva gumi nemana oga oga.
Asi vamwe vari kutevera zviri kuitika vanonzi vari kupomera hurumende mhosva yekushandisa matare edzimhosva kuranga vanoonekwa sevanopikisa nayo.
Hurumende yagara zvayo inoramba zvipomerwa izvi ichiti matare haatarise kuti munhu abuda mumba ani.
Forum