Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International rinoti riri kushushikana nehuwandu hwemadzimai nevana vari kufa pakusungunuka.
Muna Ndira gore rino chete, kwakafa madzimai makumi mashanu nevana vachisungunuka uye vana vakafa vachizvarwa vanosvika mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevapfumbamwe kana kuti 299.
Amnesty inoti hurumende yeZimbabwe inofanira kuratidza kuzvipira pakurwisa dambudziko iri. Asi vachitaura pamusangano wakarongwa neZimstat kupera kwaNdira, mukuru anoona nezvemadzimai akazvitakura nekuronga mhuri mubazi rezvehutano Dr Chipo Chimamise vakati hurumende iri kuyedza kugadzirisa dambudziko iri vachiti vari kudzidzisawo basa vana nyamukuta kuti vawande.
Asi Amnesty inoti kutadza kubatsira madzimai uku kutyora kodzero dzavo.
Mukuru we sangano reAmnesty International muZimbabwe , Amai Lucia
Masuka vaudza Studio 7 kuti hakuna mudzimai kana mwana mucheche anofanirwa kufa nekuda kwekushaikwa kwezvikwanisiro zvingavaponesa panguva dzekuzvara muzvipatara nekuti dzimwe ndufu dzakawanda dziri kuititka dzinogona kudzivirirwa.
Forum