Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nhasi vatura mashoko pamberi pematare anoti reHouse of Representatives neSenate. VaTrump vave nemavhiki matanhatu kubva zvavatora mhiko kuti vatange kutungamira nyika mushure mekunge vasarudzwa muna Mbudzi gore rapera.
Vati mumazuva makumi mana nematatu chete vakwanisa kuita zvakatadzwa nevamwe vakatungamira nyika kwemakore mana kana masere. VaTrump vatiwo pavakapfurwa vakaona sekunge vakanunurwa naMwari kuti vatungamire America kuti ive nechiremera.
Hupfumi
Vati kekutanga munhoroondo yeAmerica, vari kuona sekuti nyika iri mugwara rakanaka munyaya dzezvehupfumi. VaTrump vati mumavhiki matanhatu adarika avatungamira vakwanisa kuisa ruoko rwavo pamitemo yechimbichimbi mazana mana kana kuti Executive Actions kuti vavandudze zvinhu. Pavange vachitaura vanhu vange vachidaidzira kuti “USA! USA! USA!” Vati vanhu vakavasarudza kuita basa iro ravati vari kuita.
Asi vebato remaDemocrats vange vakatakurawo mapepa vachitatidzira mamwe ange akanzi manyepo “False” mamwe achishora vari kugumura vashandi mabasa VaEllon Musk vebazi rinonzi Department of Government Efficiency, kana kuti DOGE. Vamwe vange vachiratidzira vaburitswawo mudare reCongress.
Imwe nhengo yedare reHouse of Representatives VaAl Green vekuTexas vadzingwa mudare mushure mekuramba vachitaura n VaTrump vachitaurawo. Vange vachinongedzerawo VaTrump netsvimbo.
VaTrump vati vaive mutungamiri wenyika VaJoe Biden vakasiya hupfumi hwave mamvemve.
Vati vakasiya mutengo wemazai uchikwira zvakanyanya, pamwe newe mafuta ekufambisa dzimotokari. VaTrump vati hapana mitero ichabhadharwa pamari inenge yashandwa nevanhu kwemaawa akati wandei kudarika akatarwa kana kuti ‘over time’ uye pamari dzepenjeni. Vatiwo makambani emuAmerica anogadzira zvinhu kunze achabhadhariswa mari yemitero.
VaTrump vati chikuru chavari kuda kuita kusimudzira hupfumi kuti vashandi vagarewo zvakanaka. Vati nhaka yehupfumi yavakatambidzwa yainge isina kumira zvakanaka mitengo yezvinhu ichiita chamurambamhuru zvakapedzisira kuonekwa makumi mana nemasere adarika.
Kudyidzana nedzimwe nyika munyaya dzezvehupfumi.
VaTrump vati kutanga musi wa 2 Kubvumbi vachakwidza mitero kunyika dzose dzinobhadharisa mitero kuAmerica inoenderana neyavanobhadharioswa. Vati vakatozviita kuChina, Mexico neCanada. Vatiwo South Korea iri kuvabhadharisawo mari yakawanda pamitero kunyangwe ichibatsirwa neAmerica munyaya dzekudzivirirwa kwenyika.
Africa.
Vati DOGE yakaburitsa humwe huori hwaiitwa pamari dzaipihwa nyika dzekunze kusanganisira nyika dzemuAfrica. Imwe mari yavati yaisashandiswa zvisizvo yakaendeswa kunyika dzakaita seZambia, Mozambique, Lesotho, Liberia neUganda. Vatiwo vari kuderedza huwandu hwevashandi vehurumende, vanoti vambomira kupa dzimwe nyika rubatsiro uye vakati vabuda muUnited Nations Human Rights Commission yavati hairemekedze zvido zveAmerica.
Kupinda kwevanhu munyika zvisiri pamutemo.
VaTrump vashora VaBiden vachiti ndiye mutungamiri wenyika yeAmerica akakundikana kutungamira munhoroondo yeAmerica vachiti vairegedza vanhu vasina magwaro vachiita madiro aJojina.
Asi vati kubva zvavakasarudzwa huwandu hwevanhu vari kupinda muAmerica ziviri pamutemo hwaderera. Vatiwo vari kuda kuparura hurongwa hwekuti vanhu vane mari inosvika mamiriyoni mashanu vawane mukana wekuti vatenderwe kugara muAnerica zviri pamutemo vachiwanisa vanhu mabasa. Vatiwo vanenge vauya kuzodzidza kuAmerica vanofanirawo kupihwa hugaro.
Kuyedzanisa mikana uye nyaya yechingochani.
VaTrump vati hurumende yavo yakabvisa mitemo yekuti munhu awane basa nekuda kweganda kana kuti zvimwe zvikonzero vachiti vari kuda kuyenzanisa mikana kune vose. Vatiwo hurumende yavo inocherechedza mipanda miviri chete: murume nemukadzi kwete vanoda zvechingochani. Vati hakuna varume vanofanira kutamba mumitambo yemadzimai.
Hondo yeRussia neUkraine
VaTrump vati vari kushanda zvakasimba kumisa hondo pakati peUkraine neRussia. Vati mamiriyoni evanhu arikufa nekukuvadzwa muUkraine neRussia. Vati America yatumira mabhiriyoni akawanda kuUkraine kunoibatsira kuzvidzivirira. Asi vashora Europe vachiti iri kuita basa rekutenga mafuta ekufambisa dzimotokari ne’gas’ kuRussia, kwete kubatsira Ukraine.
Bato reDemocratic Party Ropawo Divi Raro
Senator Elissa Slotkin vekuMichigan ndivo vatura mashoko vakamirira bato rinopikisa reDemocratic Party. Amai Slotkin vati vaimboshandira sangano revasori reCentral Intelligence Agency uye vakamboenda kuhondo kuIraq katatu pakati pemakore anoti 2019 na2021.
Hupfumi
Amai Slotkin vati VaTrump havana zvizhinji zvavataura zvekuti vachgadzirisa sei nyaya yezvehupfumi. Vati zvataurwa naVaTrump zvekuda kuwedzera mitero pane zvadzinotengesera America hazvina zvazvinobatsira nekuti zvichapa kuti zvinhu zvidhure.
Vati mitemo yaVaTrump inobatsira chete shoroma. Vatiwo VaTrump vane hurongwa hwekutora mari kubva kumari dzepenjeni. Seneta Slotkin vati vanotenderana nekuti humende ivandudzwe. Vashorawo DOGE vachiti zviri kuita zviri kusiya nyika iri pamhene zvekuti inokwanisa kurwiswa nevavavengi. Vati vamwe vashandi vehurumende vakambodzingwa naVaMusk ndokuzodzorwa
Kudyidzana nedzimwe Nyika
Amai Slotkin vashorawo VaTrump vachiti havakoshese shamwari dzeAmerica dzakaita seUkraine vachiti vanonyaya kudziydzana neRussia zvavati zvinopa kuti nyika isadziviririke zvakanaka.. Vashandi ava vanosanganisira vanochengetedza zvombo zvenuclear nevekunhandare dzendege. Vatiwo America haisimbi nekuita humbimbindiga asi kuti kushanda nedzimwe nyika.
Forum